Episode 25 Story by Malvern Ndlovu #Adventure Alice "Kwete ngatiitei rimwe zano iri haribudi ". James 'Who are you to chose .He is a God munhu uyu hapana zvinomuvona ". Tonde "Umwe imwe here plan Alice?" Alice "Handina asi tinotsvaka plan ". Tonde "Sometimes we need to risk our lifes for others .I am doing this for my mom and everyone ari mudunhu riya ". Timoty "Tonde ufambe zvakanaka ". Tonde akabva atora Tsvimbo yehwumambo ndokuisa padombo mukati mebako iroro .Akabva asiya zvombo zvake zvese ndokupinda musango achimhanya ..... Seu ne team vakasvika mugomo ndokuwana varume vaviri vakafa zvavo ..... Seu "Ndakuvudza kuti watuma vanhu kuti vandovuraiwa kuno". Ngoni "Kwete ndavati endai kwakakwirira chete handina kuti gomo rino ini". Seu "Saka uri kufunga kuti ndiri matsi ini ?" Ngoni "Kwete asi ndizvo zvandiri kufunga kuti ndataura .Muri kutopedza nguva makateya nzou ne riva manje manje zuva rinenge rabuda .Honai uko kune moto ndiko kune vanhu vamuri kuda ". Seu "Ukavuraisa vanhu vangu futi uri kuzofa iwe ". "Ngatingomudyai kan". Seu "Iwe Mira unongofunga zvekudya chete ." Ngoni "Asi pane chinhu chisiri right mudunhu redu isu hativesi moto wakawanda wanda kudai tovesa moto umwe chete ". Seu "Uri kurevi kana uchidaro manje ?" Ngoni "Ndiri kureva kuti pane chinhu chisiri right ngatisvikei ndakangwara maybe tinogona taita ma visitors akawanda uye akaipa ". Seu "OK boys ndatiendei kune vamwe tikwanise kugomba dunhu iri .Batai museve yenyu wese munhu ada kurwisa kana kutiza vurayai ndiwo nyama yedu ya nhasi ". Seu rakabva raenda kune rimwe team ndokusangana vese .Vakabva vanyarara kuti ziii ndokutanga kupinda mudunhu ....... Elvis paakavona kuti plan yana Alice haina kubuda iye akabva afunga rimwe zano risina akaziva .Tonde akasvika mukati mawo ma giant ndokuwana raayida rakatovata rakagara richiridza ngonono .... Tonde akabva atora gwenya mukwenya rake ndokutanga kuisa giant iri mukamuko zvese ne murivokov.Tonde akabva adzokera kwakanga kune vamwe vake akamirira kuti kuedze zvake ..... Mambo "Zvaita here ?" Tonde "Hazvisati regai tivone kana kwaedza ". Tonde akabva ambopinda mubako ndokugara akadziya moto . Vamwe vese vakabva varara kunze kwa Alice akaramba akagara naye vachitaura nyaya zvavo ...... Ipapo nguva dzakanga dzafamba atova manheru chaiwo asi kudunhu kwana Tonde vanhu vakawanda vaisarara nekutya.Tariro akanga akatovata pamagumbo amai Tonde paakamuka kubva muhope ..... Tariro "Vavengi vevavengi vedu ndavona vaparadzwa wese achada kutiza ndavona nayevo afa .Asi avo vachada kurarama mucharamba makagara sezvo muchazoita lucky rekumborarama nguva shoma ." Mai Tonde "Nhaiwe uri kumboti chii ?" Vari pakati pekutaura amai Tonde vakabva vaona muchinda wa Elvis achirohwa ne museve achiriwa pedo ne vanhu .Vamwe vacho vakabva vatanga kukoka pfuti asi havaisavona sezvo kwakanga kune rina asi ivo vaikwanisa kuvonekwa sezvo vakanga vari pachiedza ...... Vakangotanga kufura musango pasina chavari kuvona asi vamwe vanhu vaitorohwa ne pfuti panguva dzacho .Vanhu vese vakanga vakombewa ,vese vakada kutiza vaingorohwa ne museve .Vakawanda vakaramba vakarara vakagara vachiridza mhere ...... Boys ra Elvis rakabva ratorerwa pfuti ndokusungwa ne makavi ndokugariswa pasi .Hama dzese dze mudunhu ra Tonde dzakabva dzaiswa pakati vakakombwa ne vanhu vese ve mumvura ..... Seu akabva abudikira akatobata hake gumbo re munhu achidya zvake .Mai Tonde vakabva vavhara kumeso kwa Tariro kuti asavona zvinhu zvinotyisa kudai .... Seu "Boys iyi ndiwo nyama yedu manje saka nhasi ngatimbodyai vese vatauraya ava ". Vakomana vakabva vatanga kupihwa vachidya zviya zvehunzara .Seu akanga akatogara hake sa mambo vedunhu achiratidza kufara ...... Seu "Right inzwai munzwe zvakanakisa .Ndoda kuti mundiratidze mukomana anonzi Tonde kana muchida kuti ndisavuraya vanhu pano ". Vanhu vese vakabva vangotanga kutarisana vachidzungudza musoro kuratidza kuti hapana ari kuziva kuti Tonde aripi ". Seu akabva abata mukomana 1 wa Elvis ndokutanga kumurova achimuvhunza ...... Seu "Aripi Tonde?" Man1 "I don't know please don't kill me ". Seu akanga asingagoni chirungu hana kunzwa zvaayitaura .Mukomana akabva abaiwa ne banga achifira ipapo ..... Seu akabva asimuka ndokubata Amanda akaisa banga rake pa huro ya Amanda ...... Seu "Aripi Tonde ". Ngoni"Ko uri kuita sei manje ?" Seu "Ndiri kuda kuziva kuti Tonde aripi kana asingazivi ari useless saka ndomuvuraya ". Ngoni "Kwete hatina kutenderana izvozvo wakati uri kuda Tonde chete ". Seu "Ehe asi zvaasipo takutoita zano kuti Tonde wacho tizive kuti aripi ". Ngoni " Haaa izvi hazvibetsere manje hakusi kutonga uko ". Seu akabva arova Ngoni ne mbama achibva awira pasi mukomana .Vanhu va Seu vakabva vasimudza Ngoni ndokuisa banga pa huro yake ..... Seu "Pako wasakura wazunza chitaura mashoko ekupedzisira ". Ngoni "Mukandivuraya hamumbofi makaziva kuna Tonde .Vanhu vese ava havambotauri vanotosarudza kuti vatofa zvavo ". Seu "Saka iwewe unofunga kuti vachakuvudza ?" Ngoni "Hongu ini vanondivudza ". Seu "OK vakomana musiyeyi ". "Aaa tiri kuda nyama isu ". Seu "Iwewe why uchingofunga nyama inga wani nhasi madzidya ". Seu akabva atora Ngoni ndokuenda naye pa side ..... Seu "Inzwa unzwe ndokupa nguva kusvika mangwana masikati kuti uzive kuna Tonde kana usina kudaro ndiri kuzokuvuraya zvaizvezvi hapana mashoko ekuoedzisira ". Ngoni "Zviri munzeve ndokumbiravo rusungunuko ndikwanise kuenda pane vanhu vangu ". Seu "Hapana kuipa hausi musungwa iwewe ". Ngoni akabva asimuka ndokuenda hake kunogara pane vamwe vake ...... Makuseni akati asvika vanhu vese vakarara mubako asi Tonde akanga ari panze pe pako akangomira akaringa hake achida kuvona kuti Giant iri richaita zvekudii ..... Giant sezvo rakanga rakarohwa ne bhabharazi rakanonoka kumuka zvaro .Parakazomuka zuva rakanga rati kwirei asi mvura yakanga isingamiri kunaya .Paive pakarara giant iri pakanga pasingapindi mvura so rakabva ramuka richida kugeza kumeso ipapo ma drops e mvura akabva ariwira ...... Giant rakabva ranzwa kuvaviwa pakati pemakumbo paro ndokukwenya pekutanga ipapo rakanga razvisikira moto muziso chaiko .Rakabva ranzwa kuti zviri kutowedzera rakabva atora dombo ndokukwenya asi hazvina kushanda ........ Tonde akanga atopera tariro achivona giant risingavuyi .Ipapo vanhu vese vakanga vamuka vakangoringa Tonde .Pavakaona kuti nguva iri kuenda vakabva vabuda mubako ndokuenda pana Tonde ...... James "Plan yako haina kushanda tadii taita imwe plan ?" Tonde "Handina kana imwe plan kana pane anawo tiite iyoyo ". Mambo "Handei mudunhu mawo totanga kumafura ne museve une chikonde konde afe ". Tonde"Saka ndiwo plan yenyu here mose imwi ?' Alice "Hongu ". Tonde "Handisi kuisvora asi ko Kanda ravo rakaoma sere kamba munoita sei ?" Baba Amos "Hatina choice tototangira ipapo handi rako zano raramba here ..... Baba Amos vari pakati pekutaura vakabva vanzwa zi sound raityisa pasi pachiita kusheka ..... Alice "Ko chii chava kuitika manje ?" Timoty "Here it comes that side ". Vakabva vatarisa kuri kunongedza Timoty vakabva vaona ...... End of chapter 😂