EPISODE 32 STORY BY MALVERN NDLOVU Amos ' Sekuru kana muchiti rudzi rwaparara munoreva kuti chii ?' Sekuru ' Muzukuru sekufunga kwako unofunga kuti ungavuaya zi munhu rakaita seiro sei ?' Amos ' Tonde anogara akataura kuti chero mhuka ikakura sei kana ichingofema inofa chete '. Sekuru ' Haaa ndanyarara iyo mhuka ivurayeyi tivone '. Amos ' Ok ndikuzoka regai ndiende kuna Tana '. Amos akabva atora iseve yake oda kubuda ndokubva avona Tana achitosvika .... Tana ' Wafunga kuenda kupi ?' Amos ' Tanga ndichitoda kuvuya kwauri kuti tirone zano apa '. Tana ' Zano rei tarisa zi munhu iro kuita kunge gomo rino chero museve unogona kusatobaya'. Amos ' Tinoia zano kuti riwe chete .Kana pakashanda vanhu vakawanda rinowa'. Tana ' Wangu ana Tonde vakatofa kutaura kudai unofunga kuti vangapona pakadai '. Amos ' Ok ngatiite so , totora gonde tonyika museve yedu toenda kune ma giants aya '. Tana ' Todii nyepa tinzwe '. Amos ' Nditevere ugovona '. Amos akabva atanga kudzika gomo achienda kwanga kune ma giants aya . Ipapo vanhu va Seu vakanga vari busy kumhanya kunosangana ne giant .Vakasvika vakada kubaya gumbo giant raingotsika munhu achifira ipapo .... Ngoni ' Kana uchida kuti vanhu vararame siya vanhu vangu vaende titange kubetserana hondo iyi '. Sue ' Hazvigoni vanhu vangu vanogona kurwa rega uvone '. Nharo dza Seu dzakavuraisa vanhu vake vakawanda asati achinja pfungwa .Vanhu vake vakabva vatanga kuramba kuenda ipapo ndipo paakabva asungunura vanhu va Ngoni vanhu ndokutanga kutiza . Varume vakabva vatora mapfumo , museve ndokutanga kukanda mapfumo ...... Ava vanhu vaigona kurwa chaiko vaita hit and run so ma giants hana kuwana kana mukana yekuvuraya umwe chete wavo .Ipapo vakabva vakombiwa ne ma ginats aya . Kwekutizira kwakanga kusina manje .Giant rekutanga rakabva ranzwa museve uchirova pa mhino richibva rasimudza musoro hapana warakavona ..... Umwe museve akabva warova ziso giant richibva raridza mhere .Ipapo vakanga Amos akanga akuda kurova rimwe asi giant rakabva ravhara .Seu ipapo akanga atopinda mubako achitya kufa zvake .Ngoni paakavona kuti giant apa ranzwa museve akabva avun=dza vanhu vake vse kuti ....... Ngoni ' Munhu wese kanda museve wako kumaziso ribaiwe '. Kukanda pfumo kwaive kupedza nguva chaiko sezvo gaint rakanga raive mudenga pfumo raisvika richisina simba .Vanhu va Elvis vakanga vasara vachida kuvuraiwa vakabva vatora museve yavo yechirungu iyo yakanga ine power .Vakabva vatanga kurova kumeso chete....... Ma ginats akabva atanga kusavona manje ipapo Ngoni akabva amisa vanhu ...... Ngoni ' Mirai kuita noise haisi kuda kuti azive kuti tiripi so munhu wese nyarara . Museve yenyu ngairove pachifuva chete . Vamwe torai makavi tangai kumatenderera mobva masunga rinowa chete .Kana rawa munhu wese ne banga baya chero kusvika rafa '. Kurwa kwemakwara vakati zvahovoka vakanga vongotumira museve pachifuva .Apa vamwe vari busy kusunga ma kmbo .Vapedza kusunga ma giant akabva awira pasi .Munhu wese akabva atanga kubaya ne banga kusvika ma giants ati zii .Ipapo Sue akabva abuda achiridza mhere akabata banga ndokusvika ndokuwana ma giants afa kare .......... Tana na Amos havana kumbobudikira vakaramba vakahwanda mumuti zvavo kuti vasavonekwa . Vanhu va Elvis ne vanhu va Ngoni ne vanhu va Sue zvino vakanga vangomira vakatarisana vese apa vakanga vakabata zvombo ....... Ngoni ' Hoo ndozviziva kuti mukuda kurwa asi first hapana ari kurorwa pano tiri kuda runyararo unoti chii nazvo Seu ?' Seu ' Hongu peace tinogona kuida asi kana tisina tsvimbo hapana peace '. Ngoni ' Nesuvo hatina the egg of life pano so ukuda kuti tipomere vanhu va Elvis here ivo vasina mhosva '. Seu ' Izvozvo handinei nazvo ndoda tsvimbo yangu '. Ngoni ' Ok ngatimirei kusvika mangwana manheru tivone kuti Tonde hasviki here '. Seu ' Ukufunga kuti vapenyu vakafa kare ava .Tarisa vanhu ava ukufunga kuti vangararama '. Ngoni ' Pamwe varipo isu ngatimirei kusvika mangwana manheru '. Seu ' Ok hapana kuipa asi tinodye ?' Ngoni ' Imwe iyi nyama haaa bva now iyi moita madiro '. Seu ' Haa handidye iyi ini nyama yakaoma kunge bonzo re tsuro '. Ngoni ' So mukada kuti muvuraye vamwe vanhu kwete endai kunoredza kana zvanetsa kana kuti muchadya chikafu chatodyavo isu '. Seu ' Zviri nani pane kudya zinhu iri '. Ngoni ' Ok so regai ndiridze hwamanda vanhu vavuye '. Ngoni akabva atanga kuridza hwamanda ipapo vajkadzi vese vakanga vari mubako ne vamwe varume vaibva pasi pe mvua .... Amanda ' Manje todii ?' Tariro ' Handei giant rafa '. Amanda ' Aaa iwe ka mwana nyarara apa ndikuda vanhu vakuru vataure '. Mambokadzi ' Handei kunovona kuti chii chiri kuitika ' Tsitsi ' Ko kana iri hwamanda iya yavuraisa vanhu va Seu vakawanda '. Tariro ' Ko nei isina kuvuraya Ngoni paya kana musingadi ini ndava kuenda .Mukuvuya here amai Tonde '. Mai Tonde ' Ok handei veduwe zvakangofanana izvi hapana nhamo yatichavona yatisina kuvona tariro ndiyo yatichisina '. Tariro ' Munayo ndini tariro yamuri kuda '. Amanda ' Hatisi kutaura tariro ye zita rako '. Tariro ' Iyoyo tariro yamuri kuda ndiyo yandichakupai kana tasvika kune zvamuri kuda kuziva ndini tariro yenyu '. Amanda ' Ka mwana aka haya .' Vanhu vese vakabva vabuda mubako ndokuenda kwakanga kuchibva sound ye hwamanda ...... David ' Yaaa iri ndiro bako racho panopinda tsvimbo ndeapo panopinda book ndeapo saka kana muchida kuvhura vhurai henyu '. Tonde ' Alice book ririkuti chii ?' Alice ' Book ririkuratidza kuti mune ma tiles asi akafanana asi mamwe hadi kutsika ne kuti musungu yakateyewa '. David ' Saka manje tosvika sei kune zai racho ?' Tonde ' Miai kuit plan yemberi .Rega tivhure bako tizvivonere '. Alice ' Ukupikisa zviri kutaura book here ?' Tonde ' Kwete handisi kupikisa book asi book riri kutaua zviri mukati ka so huai tivone zvariri kutaura maybe togona kuzvigadzirisa '. David ' Yaa plan yako yakanaka vhurai bako '. Alice ' Tsvimbo kutanga Tonde '. Tonde ' Oh ok '. Tonde akabva atora zvimbo yake ndokuitanga kuisunda muburi rakanga riri ipapo . Sound yekuratidza kuti key yavhura yakabva yaita .Alice akabva ayisa book rake ipapo bako rakabva ravhurika . Vanhu vese vakabva vatanga kuvona The egg of life rakagadzikwa pachuturo pazere gold . Ipapo James akabva abudisa futi ndokushuda mudenga .... James ' Ndipei zvese zai ,book ,tsvimbo ne gold iro '. end of episode