EPISODE 44 STORY BY MALVERN NDLOVU Seu ' Zvauri kutaura hauvoni kuti hazviiti ndomuwana kupi musoro wa Tonde ne simba raayinaro . Chandiri kuda kwaari e tsvimbo bedzi '. James 'Ndiri kuzvinzwisisa asi ka kana mava kuda tsvimbo zvoreva kuti makutotora Tonde wacho ne kuti Tonde ndiyo yatova tsvimbo yacho and ma powers ake akawanda zvisingaiti '. Sue ' Hapana kuipakana pakadaro handi ndiye ada kuzviita tsvimbo saka toenda naye ku dunhu kwedu iye omira se tsvimbo yachoo .Iwe chindivudza kuna Tonde ndisiyane newe zvauri kuda handichazivi ini and Tonde handisi kuzomuvuraya sezo yatova tsvimbo yacho asi zvichaitika ndichavuraya wese akuda kumira mberi kwangu kuti nditore Tonde '. Seu akabva atendeuka ndokutanga kufamba achidzokera ku dunhu kuti atore Tonde .James akasara achingozama chikepe kuti chimuke .Chakabva chamuka James ndokurova chikepe chake kuenda ku town kunotsvaka Elvis ..... Vari nzira kuenda ku dunhu Tariro akabva avarambidza kuenda navo pavakanga vari pekutanga ndokuenda navo kwakanga kunana mai vakahwanda hondo . Vakasvika ndokugadzika Tonde pasi ndokubva vatanga kutaura ..... Mambokadzi Manje todii iye mukomana afenda kudai .Honai mufiro uri kuita vanhu mudunhu . Tariro ' Apa hapana zvekuita sezvo vanhu va Seu vava kuda Tonde ,tofanirwa kumira tirwe kuti vasatora Tonde kusvika amuka .Kana azomuka ndipo paachativudza zvekuita . So Amos enda ku dunhu unovudza Mambo ne vamwe kuti vavuye kuno ndikwanise kurwa tiri pamwe chete '. Amos 'Hapana kuipa regai ndiende '. Sekuru Tembo ' Kwete usaena hasha dzina Seu dzoda mnhu anogona kurwa .Sekuru vako vatovuraiwa na Seu manje manje saka usaenda wega isu ngatirambei takahanda '. Amos 'Kwete baba vangu varikunze uko handingagari muno baba vangu vachirwa hondo vega .So kana ndichifa ndiri kufira revenge ya sekuru vangu '. Amos akabva atanga kuenda kunorwa ne vamwe ipapo Timoty akabva ateveravo kuti abetsere ari paside pa Amos .Zvino dunhu rese rakanga rakuita kunge ranaya riri ropa razara pasi .Munhu ayingofamba achitsika ropa .Ipapo vanhu va Seu vaiti vakatovuraya munhu waidya saka nzara havaimbofa nayo . Asi hama dza Tonde dzakanga dzaneta apa nzara saka vakatanga kukundwa .Mambo vakabva vadana vakomanavavo vese ndokumira panhu 1 vakaita around . Zvino vakanga vakombewa ne vanhu va Seu .Ipapo Seu akabva asvika ndokubva amira mberi kwavo ndokutanga kutaura ..... Seu ' Ini handisi kudahondo nemwi asi chandiri kuda e tsvimbo yangu yamakatora chete asi kanamusingadi nayo izvozvo ndizvo zvichazondituma kuti vanhu vakawanda vafe muzuva ra nhasi .Tarisai kumativi enyu e ropa chete re vanhu vangu ne venyu kurwira munhu 1 chete here .Ndipei Tonde hapana wenyu wandiri kuzovuraya asi mukarambamuchazondipa kuti ndivuraya mese imwi nditore dunhu rino manje ' Jinda 'Mambo wangu kana kuri kufa ngatifei tichirwa pane kuda kutorerwa dunhu redu kwete . Ini handina basa ndofira dunhu rino '. Mambo ' Ndiri kurangarira mashoko akataurwa na Timoty rimwe zuva ,hanzi hadzisi dzese naya dzinogadzirwisa ne mapanga asi kutaurirana kunogadzirisa nyaya futi . Asi hanzi dzimwe nguva kana matadza kutaurirana ndipo panozotanga hondo asi matanga mataurirana .Se mavonero angu sa Mambo wenyu ,hazvindifadzi kuvona vanuvangu vachiparara seizvi . Honai tasara varumwe 50 chete vamwe varume vatofa ne nhawu ye nharo .Izvezvi hatisi kuzivakuti vakadzi vedu varipi pamwe vafa .Zviri nani kupusa mu hupenyu uchiitira hupenyu hwe vanhu . Hazvibatsiri kuti vanhu 50 varwise vanhu 300 harisi firimu iri tese tinofa vakadzi vedu vakasara vakatorwa nhoroondo wemadzitate guro yedu inobva yapera .Ndinozviziva kuti munoti murume kurwa asi ruregerero vanhu ve kuguta vakandidzidzisa imwe nhawu yakanaka .Kutaurirana kana kupusa muhupenyu kwakanaka kana uchiziva zvauri kuzviitira . Varume ndava kuita sarudzo yakaoma pano mese muchaimaka ne kuti ndiwo tariro yenyu yandava kuvapa .Ngativapei Tonde wacho maybe pane zvichaitika mberi hamheno kuvonavo kwangu ini . Tisu takaenda ku dunhu ravo tikanotora tsvimbo saka vavakuda tsvimbo yavo and mudzimu yavo iotovarwira ne kuti ndisu tiri wrong .Dai takaziva takazama kutaurirana navo pakutanga maybe zvese izvi zvisina kuitika . Varume ngatikandei mapfumo edu pasi tivape zvavari kuda ..... Vanhu vese vakabva vatanga kukanda mapfumo ne mapanga avo pasi ndokugara pasi kuratidza kuti vatenda kukundwa . Ipapo vanhu va Seu vakabva vadzoseravo mapfumo ne mabanga avo muhombodo dzavo ...... Seu ' Maita chinhu chakanaka varume dai makatenda udai kubva pakutanga handifungi kuti maizofa vanhu vakawanda so .Asi haisi mhosva yenyu ndinozvinzwisisa hangu so Tonde aripi ?' Mambo 'Tonde ayenda kurwizi kunorwa na David saka handisi kuziva kuti vachiri kurwa here kana kuti vazodii ?' Sue ' Ndiri kubvako hakunamunhu hanzi vavuya kuno ,saka zvoreva kuti pane pavari .' Amos 'Kana uchida Tonde unofanirwa kutanga wandivuraya kana pasina izvozvo hausi kuzomuwana '. Seu akabva acheuka kumasure kwake ndokuvona Amos na Timoty .Amos akanga akabata museve .... Baba Amos 'Amos kwete mwanangu vape zvavari kuda zvipere izvi ' Amos 'Kwete baba ,Seu avuraya sekuru vangu saka ndiri kuda kuti avatevere havangafiri mahara'. Ipapo Baba Amos vakabva vasimuka ndokutora banga ravo ndokubva vatanga kuenda kuna Seu ndokumira nechekure .... Baba Amos'Ukureva kuti ndiwe wavuraya baba vangu pamusoro pazvo wava kuda kutaurirana nesu. Kwete kana izvi ndazviramba zvse vzauri kutaura handisi kuterera .Seu vuya apa tirwe chaiko '. Mambo ' Amos na baba vako ndiri kukumbiraivo kuti mungozvinzwisise .Izvi itirai tese zvese na Tonde shamwari yako '. Amos 'Ok handei ndinokuratidzai kuna Tonde wacho asi Seu ndoda kukuvuraya even izvi zvapera'. Vanhu vese vakabva vasimuka ndokutanga kufamba vachienda kwakanga kwakahwandiswa Tonde .Ipapo zuvarakanga ravira Elvis akanga asvika ku town hake ndokubva afonera buyer wake kuti akadzoka .Vakabva vaenda ku dinner kunosangana na buyer wake . Manheru iwayo buyer uya akabva avuya ....... Buyer ' How are you Mr Elvis ?' Elvis ' I'm good lets talk bussiness'. Buyer 'OK so wavuya ne zvinhu zvangu here ?' Elvis ' Ndosaka ndakudana ndavuya nazvo asi ndikuda mari apa '. Buyer ' Ok ukuda how much ?' Elvis ' Give me 1 trillion us dollars '. Buyer 'It's too much tivone zvavuya nazvo'. Elvis akabva abudisa The egg of life then ndokubva abudisa book racho ..... Elvis 'This is called the egg of life the powerfull toll in the world kana unacho your'e a god . This called a magic book zvinofambirana ne zai . Pasina book iri zai haringagari for 3 days rinenge rafufunyuka saka book iri rinofanirwa kugara riripo '. Buyer ' Good job Elvis i think wasangana ne zvakawanda kusvika wazovuya ne zai iri . Ok ndichakupa 500 million cash then imwe ndo send '. Elvis 'Ok asi zvazoitika after watenga zai ini handichazvipindi ne kuti ini ndava kutobuda munyika ini dai uri sewe waita the same '. Buyer 'Ini usanyanya kundityira ndine vanhu vanondirinda '. Elvis 'Munhu achazoda zai iri is a half god '. End of Episode