Episode 16 Story by Malvern Ndlovu #Adventure James "Umwe ngavuye andibisevo museve ". Elvis akangobva awudonza ndokukanda uko ". James "eshi unobosavo zvakanaka ka yooo .Ko kumeso kwako kwaita mahambu nei ?" Elvis "Ndarumwa ne nyuchi " James "Hahaha kuseka nhamo serugare ini ndanga ndatorohwa musoro chaiyo but ndangozoita lucky ndikarohwa ruvoko ". Elvis "Handisi kunyatsoona ndofunga nguchi yaita kuruma ziso chairo ". James "Hahaha haya pane paichazoruma zviso here yaruma pamusoro pe ziso ". Elvis "Iwe ukutoita kunakirwa neni chaiko .Vakomana ko makamirirei Pisai sango iro ". Vakomana vakabva vatora Petrol ndokudira musango ndokubva vavesa moto .Moto wakabva watanga kupfuta uchienda kumakomo ....... Alice "Ma camera edu ari kudzima ". Timoty ""Moto wacho une simba rakanyanya asi chii ?" Alice "Mhepo iri kuvuya kuno and huni dzakaoma ndosaka ". Timoty "Saka todii ?" Alice "Munhu wese handei ku mvura moto uyu une simba tinofa nekushaya mweya wekufemba". Baba Amos "Munhu wese wazvinzwa siyayi zvinhu zvese muno hapana chinosvika ". Munhu wese akabva atanga kubuda achienda ku rimwe divi kwe mvura sezvo vakanga vari pa island ....... Sekuru Amos "Mwanangu iwe enda ini uko handingasviki ". Baba Amos "Kwete baba ndinokusengai hamungasari mega muno ". Sekuru Amos "Kwete chero kusengwa kwacho muviri wangu hauchadi izvozvo ". Amos "Baba endai ndichasara na sekuru vangu ini ". Sekuru Amos "Kwete muzukuru enda ne vamwe ". Amos "Baba endai ndinosara navo sekuru ". Baba Amos "Uvachengetedze handiti ka ". Amos "Hapana kuipa ". Moto wakanga uchiri kure zvawo asi wakanga uchivuya une simba .Munhu we mumvura paakavona kuti moto uri kuvuya akabva awedzera ku mhanya chaiko kuti asvike ari mupenyu ...... Mambo "Varume ini moyo wangu hauchisiri muno ini nyama dzangu dziri kundivudza kuti pane zviri kuitika panze apo ". Tonde "Manje todii kuti tibide nhasi uno ?" Mambo "Zvatichaita apa ndeizvi iwe Jinda uchasara muno kana tapinda wovhara bako .Tonde na sekuru moenda kunotora tsvimbo ini ndichasara ndichirwa ". Tonde "Ipapo Ngoni anenge aripi ?" Mambo "Anenge achivona ndichirwa ". Tonde "Hapana kuipa itayi zano renyu ini ndakagadzirira kare". Mambo vakabva vasimuka mubako ndokutanga kuimba zvaitosvota chaizvo .Varume vakazama kuda kumunyaradza asi zvakashaya basa kusvika vadana Seu ....... Seu "Uri kudei iwe ?" Mambo "Mukuru wangu hondo ikanyatso vuya chaiko unorohwa pakashaya anobata .Saka ukufunga kuti Ngoni iyeyi angakuchengeta anorohwa neni .Ndipe vanhu 10 vekurwa navo ini ndikavarova ndoita rimwe jinda rako ". Seu "Uri kurevesa here kuti unoita zvese zvandinoda here ?" Mambo "Hongu zvakangofanana it izvi ini ndatova we muno saka handingasiyi mambo wangu achirohwa ndiripo ini asi ndinomufira ". Seu "Hapana kuipa tozviita mangwana ". Mambo "Kwete mambo wangu ngatizviiteyi nhasi chaiko ndiri kunzwa kuda kurova munhu chaiko ". Seu "Hapana kuipa hande ku ring ". Mambo vakabva vabudisiwa mu bako .Tonde akabva asara hake na sekuru ne rimwe jinda.Seu akabva adana munhu wese kuti avuye pa ring chero Ngoni akabva avuya ...... Seu "Vakomana paita nhawu yakanaka pano .Ndiri kuda vanhu 10 vanokwanisa kuwisa murume uyu vanenge vamugona vanobva vatora musavi wodya vari 10 zvavo .Saka ndoda vanhu 10 varikuda kurwara naye pindai mu ring ...... Mazirume akabva atanga kupinda mu ring ari 10 .Ngoni akabva atanga kufara sezvo Mambo vakanga voratidza kutya mutumbi ...... Sekuru Tembo "Apa zvatiri kuda kuita totoita ne kukurumidza ne kuti tinowana munhu afa ne vanhu ava ". Tonde "Toenda nguvai ". Mambo ne varume vaya vakabva vatanga kurwa paya........ Sekuru Tembo "Yaaa nditevere " Tonde akabva atanga kufamba pa side pa Sekuru Tembo .Vanhu vakanga vari busy kuvona fight apo Tonde na Sekuru vaitoenda kunotora Tsvimbo Yehwumambo .Ngoni ndiye ega akavaona vachienda ndokubva atevera kumasure ........ Sekuru Tembo vakabva vasvika pamusuwo we bako rakanga rine Tsvimbo ndokubva vaita mhiko dzavo ndokubva ravhurika ndokupinda ..... Sekuru Tembo "Iyo ndiyo Tsvimbo yehwumambo yakakomberedzwa ne gold muviri wese .Haibatwi ne munhu wese chero ini hake ". Tonde "Sekuru manje toitora sei ?" Sekuru Tembo "Kana uchiziva kuti hauna chakaipa chawakaita itore asi kana zviripo ndinoti zorora murugare ". Tonde "Sekuru ndava kutya ini ". Sekuru Tembo "Kurumidza kufunga ne kuti towana umwe wedu afa uko ". Tonde "Hapana kuipa ndichaitora hangu ". Tonde akabva asvika pakanga pane Tsvimbo ndokuvhara maziso ake ndokubva abata Tsvimbo iya ndokuidonza zvine simba ndokuitorera sekuru vakanga vakagara nayo ..... Ngoni "Vashumi ". Tonde akabva avhunduka paakanzwa Ngoni achitaura ". Ngoni "Uri kuda kuita hero re nhoroondo iyi handiti ka ?" Tonde "Kwete ndiri kuda kuti dunhu redu ridzoke pakare ". Ngoni "Ndipe Tsvimbo iyoyo ". Tonde "Usadaro Ngoni ko wapindiwa nei ". Ngoni "Mira hako kuda kunditaurira tuma shoko shoko ndati ndipe ". Tonde akamboramba nayo asi Ngoni akabva ayibata achiidonza .Tonde paakangoiregedza Ngoni akabva atanga kungoita kunge ari kurohwa ne magetsi ipapo Tonde akabva atora Tsvimbo ndopazvakamira asi Ngoni akabva awira pasi ndokufenda .Sekuru vakanga vakagara paive ne Tsvimbo vakabva vangoita ivhu....... Tonde "Zvorevei ?" Sekuru Tembo "Zvoreva kuti hondo yatanga saka hande ndinokuvhurira bako muende '. Vakabva vatanga kufambisa vachienda ku bako racho .Mambo ropa rakanga razara muviri wese vanzwa ne kurohwa .Vakanga vawisa vanhu vatatu vamwe vakanga vane nharo .Mambo pavakaona Tonde na Sekuru vachipinda mu bako vakabva vabuda mu ring vachimhanya mubako ndokubva varivhara ........ Mambo "Maitora here Tsvimbo ?" Tonde akanga akaiputira ne hembe ...... Tonde "Hongu ". Sekuru Tembo "Pindai hatina nguva vanenge varozvivona ". Vakabva vapinda mubako riya sekuru Tembo ndokubva varivhara ne magic dzavo ...... Sekuru Tembo "Hatina nguva vakangovona mvura yadzinira vakutiziva kuti Tsvimbo yehwumambo yaenda saka imwi torai mwanasikana wangu mended naye .Ndokumbiravo kuti mumuchengete ". Mambo "Hapana kuipa saka tobuda nepi ?" Sekuru Tembo "Munotevedza kune chiedza chete munosvika kwamuri kuda kuenda. Ini ndichasara ndakambobata bako kuti vasapinde imwi endai ". Tonde "Kwete hatisi kuzokusiyayi regai ndikusengei ". Jinda "Hazviiti kuti ubate Tsvimbo uvasenge futi rega ndivasenge futi ". Tonde "Gara zita ndiani gara ?" Mambo "Anonzi Tana ndiri Jinda rangu rinomyanya chero rakasenga mombe kumhanya ndiko kubasa ". Tonde "Saka zvakarongeka Tariro hande hedu ". Tariro akabva asimuka ndokufamba kumasure kwa baba vake .Tana akabva asenga sekuru ndokutanga kufamba zvavo ... Seu paakavona mvura yava kupera akabva ayenda ku bako ndokuwana Tsvimbo hapana asi pana Ngoni akanga akavata . Seu akadzoka ndokuvudza vanhu vake kuti vavhure bako iroro ne chisimba vavatore ...... Varume vakabva vatanga kurova bako kuti rivhurike ipapo ndipo pakabva vasvikavo mukomana akanga abva achimhanya..... Seu "Ko vamwe varipi ?" "Vanhu vese vafa hamheno Shiri yavauraya ". Seu "Shiri yakaita sei iyoyo ?" "Handisi kuziva kuti Shiri yacho ndeye mhandoi inobuda zvimwe zvinhu so zvinobaya ". Seu "Uri kureva kuti vanhu vangu vese vaya vafa ?" "Hongu zviri kuratidza kuti pane chinhu chihombe chapinda mudunhu re varume ava " Seu "Ko varidzi vedunhu varipi ?" "Hapana watavona isu tangosvika mudunhu tikabva tatosangana ne mhirizhonga iyi ". Seu "Saka zvinoreva kuti tiri kuenda ikoko vanhu vedu havangafi ". "Hakusi kufambika pane moto uri kuparadza Island rese zvichireva kuti isu tega tisu tinogona kurarama asi tikabuda apa tinofa ". Seu" Ndivigirei Ngoni pano ndikuda musoro wake ' . End of episode