Story by Malvern Ndlovu Please follow us on Facebook @Godfather home of stories James "Manje kana pane ma drones vanozvivona ka ". Elvis "Havakwanisi kuzvivona hapana chavanoziva ". James "Timoty kana aripo anotoziva chete ". Elvis "Saka what is your suggestion?" James "It's better tisvake imwe plan ". Elvis "Olk chinzwa ka iwe hausi boss vangu .Iwe chauri kuda e book chete so everything we do will do it in my way ". James "OK I know uri munhu anochinja and achipandukira umwe wako ndoda kuti undi promise kuti hauzondipandukiri kana ndawana book ". Elvis "I promise I will never do that uri wangu iwe asi ndiwe unongozonditsamwisa chete otherwise izvozvo handidaro book ndoridii ini ". James "Please usazoita fake promise ". Elvis "Nguva iri kutoenda apa ngatitange kutofamba chikepe chedu hachina speed yakawanda saka tosvika kuswera kwamangwana ". Vakabva vapinda muchike changa chine vanhu vakawanda .Ndokutanga zvavo kuenda .Zuva ipapo rakanga rava kuvira Tonde akanga ava kusvika kunopera dunhu uko kunogara vanhu ve mumvura ....... Seu akabva adana vanhu vane ndokuvungana vese .Mambo ne vamwe vavo vakabva vaterera kuti ari kuda kuti chii ...... Seu "Varume mavona zvaitika nhasi .Vakawanda vedu vafa muzuva ranhasi .Asi munhu azviita hatisati toda kumuvuraya hedu tichazomuvuraya kwekupedzisira .So varume 20 endai ku dunhu kwavo munovuya ne vanhu vese vari ikoko .Musasiya kana munhu tava kuda kupedza rudzi rwavo manje ...... Musavauraya asi vuyayi navo kuno tivavuraye mberi kwavo vagovona kurwadza kwazvo .Endai varume muvuye ne nyama inonaka .Vakadzi vavo tichavatorera Mambokadzi ndicharara naye murume wake akatarisa hapana zvaachaita futi .saka vurume endai tivone ." Varume 20 vakabva vabuda ndokutanga kufamba vachienda ku dunhu .Vari munzira vakabva vasangana na Tonde .Tonde hana kutiza akabva angosimudza mavoko vakabva vamufura pa huro mukomana ndokufenda .Vamwe varume vaviri vakabva vadzokera vakasenga Tonde vamwe 18 ndokuenderera mberi ne rwendo ....,. Tonde akabva akandiwa kapati pe ring ndokudigwa mvura ndokumuka achinyaya kuti ari kupi uye asingazivi kuti apinda sei .Mambo ne vamwe vavo vakabva vavhurirwa kuti vavuye vaone umwe wavo achirwa .Mambo pavakaona kuti ndi Tonde vakashaya mashoko ekutaura akawanda ...... Mambo "Itorwa kana uchida hupenyu hwako ". Tonde akabva avona mu ring muchipinda varume vaviri vakanga vakatobata mapfumo ...... Seu "Ko rudzi urwu nderupi runopfeka hembe dzakanaka ?" Tonde akabva ayita kunge hagoni kutaura ndokubva aramba akanyarara Seu akabva akururusa Tonde hembe dzese ndokumupa shashiko ...... Seu "Nhasi hausi kurwa ucharwa mangwana makuseni waita hako ne hembe ". Seu akabva apfira Tonde kumeso .Tonde hana kumboita hasha akabva abviswa mu ring ndokuenda Nana Mambo ndokuiswa mubako ...... Jinda 1"Ko Tonde uri mupenyu ?" Tonde "Yaaa ndiri kurara umwe wangu hatina nguva tinofanirwa kubuda muno ne tsvimbo ". Jinda "Manje hapana ati aziva pane tsvimbo izvezvi Ngoni ndiye ega anogona kuziva ". Tonde "Muvhunzei ka kune hondo iri kuvuya kana tikasagadzirisa zvinhu nguva ichipo ". Mambo "Ruregerero Tonde pazvakaita ndaingoitavo basa rangu ". Tonde "Izvozvo zvakapfuura toda zano re kuti tiwane tsvimbo". Mambo "Unogona kurwa here ?" Tonde "Ndiri muvhimi ini ". Mambo "Manje pano ndiwe uchavhimiwa kana usingagoni kurwa ". Tonde "Asi zvamdiri kufunga ndizvo zvinoitika kuno ?" Jinda "Ukufungei ?" Tonde "Kuti unorwa kuti urarame ". Jinda "Mutambo ndiwowo". Tonde "Ndichazama kungorwa asi handigoni kuvuraya munhu". Mambo "Unotodzidzira kana ari sa Ngoni anoda kutovuraiwa .Izvezvi ndiri kupera simba kuti vakasvika kudunhu vanotora vanhu vese ". Tonde "Ngatiitei zano book takazoriwana mupatsanuri ariko uko chiri kungodiwa izvezvi i tsvimbo chete ". Mambo "Book wakariwana sei ?" Tonde "Ndakariwana rine murungu tikaenda kuguta ndipo patakazowana anogona kupatsanura asi vari kuvuya kudunhu kuzotora book ndosaka ndichiti panoda kuti tikurumidze kuronga ". Mambo "Tonde ndozviziva kuti zvauri kufunga ndizvo asi zvoda kudzikama mwana wamai .Ngoni akagara ataura kuti tiri kuda tsvimbo tese tafa isu and tsvimbo hatimbofi takaiwana ". Tonde "OK ndichaita sekudaro asi mangwana ndikakwanisa kurwa ndichaita zano rimwe ". Vakabva varara zvavo sezvo munhu wese akanga akaneta.Manheru e zuva iroro Amanda akabva ayenda kuna Tsitsi ...... Amanda "Sahwira unofara here ?" Tsitsi akabva aramba akanyarara ...... Amanda "Sahwira hanzi Tonde mupenyu inga wani saka rega kunditsamwira asi chindiregereravo ". Tsitsi akabva aramba akanyarara se munhu akanga akatsamwa.... Amanda "OK ndichakuitira zano kuti Tonde akude ". Tsitsi "Shuwa here sahwira ?" Amanda "Unondiziva wani sahwira rega ugovona kana avuya". Tsitsi "Kuti anovuya iyeye ". Amanda "Anodzoka iwe dai kuri kufa akafa kare anodzoka usatya ". Tsitsi "Taura hako sahwira haaa wazosungunura moyo wangu manje '. Vakabva vatanga zvavo kuseka vachitaura nyaya vakadziya zvavo moto .Timoty ayitova akagara zvake kusina vanhu achisvuta hake fodya yake ...... Alice "Aaaa wakatanga rinhi kusvuta?" Timoty "A week ago ". Alice "You're just 24 Timoty rasira kure izvi ". Timoty "Usadaro kani handisvuti everyday pane pandoida zvisingaiti ". Alice "So tell me about Tonde makasangana sei ?" Timoty "Takasangana kuno achida kundivuraya but ndakazomuvudza kuti pane munhu anogona kupatsanura book iri ndipo paakabva arega hake kundivuraya .Ndakabva ndaenda naye ku guta ndipo patakasangana na James then tikazovuya kwamuri ". Tonde "OK munhu wechidiki but ane shungu dziri paari ". Timoty "Yaaa but ari rude zvine respect mukati ". Alice "Hahaha ipapo true but I like him tichawirirana hedu ". Timoty "I hope you're not crushing ". Alice "Gross I am not iwe ka unofunga zvinhu zvisipo ". Timoty "So what is your plan ?" Alice "I think I need more time to understand him ". Timoty "No ndiri kureva no vanhu ava tomorrow ka ". Alice "OH mangwana kutovadzidzisa kubata museve dzedu idzi hatisi kuda kushandisa pfuti vanozovhunduka sound ". Timoty "Yaaa that's true but vamwe havasi kutifarira vanhu ava ". Alice "Yaaa it's obvious but ingoshinga umwe wangu ". Timoty "You know I don't even know kuti ndiri kudei kuno ". Alice 'You're here to revenge your brother good night ". Timoty mashoko aya akamubata musodzi ndokutanga kubuda achifunga mukoma vake...... Mambokadzi vakabva vasimuka ndokuenda kuna Mai Tonde .... Mambokadzi "Murisei henyu ". Mai Tonde "Kutanga rinhi kutaura neni ?" Mambokadzi "Ndaitonyara kuti ndodii ipapa ". Mai Tonde "Saka nyadzi dzazoenda kupi ?" Mambokadzi "Pandanzwa kuti mwana wenyu mupenyu '. Mai Tonde "Moyo wenyu wakaoma amai imwi munonzwa sei mhandara renyu ichitorwa kuti inofa ". Mambokadzi 'Zvinorwadza ndinozviziva asi ini handisi Mambo pane pandichapikisa here ?" Mai Tonde "Mwana wenyu dai musina kunubata se zai dai Tonde ndinaye apa ". Mambokadzi "Chakafukidza dzimba matenga Amai Tonde .Dai maiziva musingandidaro ndaizama asi baba vaimumiririra ." Mai Amos "Mushe Mambokadzi murisei henyu ".ndainzwa nhawu yenyu saka manga mati chii ?" Mambokadzi "Ndanga ndichida kuti mungondiregerera hangu pane zvakaitika .Hapana anoziva zuva rekufa handidi kuti ndife mune daka neni ". Mai Amos "Ndakuregererai Mambokadzi ndanzwa kutaura kwenyu ". End of episode