Mambo ne machinda pavakakanda mapfumo pasi vakabva vasungwa ne makavi ndokusengwa vakanangwa navo pasi pe mvura . Munhu wese hana chaayivona sezvo vakanga vakavharwa maziso . Manheru e zuva iroro Tonde na Timothy vakabva vakwira gwande ravo vakananga kugungwa . Baba Amos ne amwe machinda vakabva vateveravo musure ..... Tonde ava kusvika ku guta akabva avona ma lights akati vayii Akanga asingazivi kuti chaive chii .... Tonde "Aaa mwedzi rudzii uyo kana kuti nyeredzi dzakadii idzo ?" Timothy "Hazvisi zvauri kufunga iwewe ayo ndiwo anonzi ma lights anoshanda ne getsi .ndokumbiravo usandivhunza kuti getsi chii ". Tonde :"Handimbokuvhunzi hangu ". Timothy " Tonde kana tava kuguta ndokumbiravo kuti usavudze vanhu zve zai havasi vese vachakutambira ne mufaro vamwe vanotoda zai iroro ". Tonde "Ini ndiri kuda munhu anopatsanura book iri chete ndodzoka ". Timothy "Munhu ariko asi iwewe uchanzwa neni .Yaaaa tasvika vuya ugerwe upfeke hembe dzakaita se dzangu idzi ". Tonde "Kwete ini ndopfeka shashiko yangu chete iyi uye kugerwa ndaramba ". Timothy "Uri kuda munhu anopatsanura book here?" Tonde "Yaaa ndiri kuda munhu wacho ndidzokere izvezvi ". Timothy "Saka chiita zvinhu zvandiri kukuvudza because ukasadaro vanhu vese vanobva vaziva culture yako ". Tonde akabva apinzwa mu shower ndokugeza ndokuenda naye kunopfeka hembe dzakanga dzakanaka ndokubva agerwa musoro ndokuita munhu akanaka zvake. Vapedza vakabva vaenda zvavo mu hotel kuti vazorore.... Tonde "Saka tinoenda rinhi kunovona munhu wacho ?" Timothy "Kuchingoedza chete ". Vakabva vavata zvavo asi pfungwa dza Tonde dzakanga dzisina kugadzikana. Kwakabva kwachena Timothy akamuka ndokuwana Tonde asipo apa hembe dzaakanga akapfeka dzanga dzabiswa .Timothy akabva abuda panze pe hotel ndokutowana Tonde akavunganwirwa ne vanhu vachitora mifananidzo apa akapfeka shashiko dzake .Timothy akabva asvika achimubata ruvoko achimudhonza kuti vapinde mu hotel .... Tonde "Ko chii vanhu vari kundifarira avo ". Timothy "Gara mukati umu vavengi vako vakazvuziva kuti uri pano vanovuya vokuvuraya ". Tonde "Vavengi vangu vapi ?" Timothy "Ziva kuti makavuraya mwana wa Elvis iyo mhondi wombe muguta rino ". Tonde "Ndapanzwa saka todii nekuti ini ndiri kuda kudzokera kudunhu kwangu ?" Timothy "Vuya tidye tigoenda ". Vakabva vagara zvavo ndokutanga kudya .Makuseni iwayo Elvis akabva asvikavo kwaayigara ne zai riya... Elvis "Boss ndavuya ne zai renyu but mwana wangu afa ". Boss "Ndakakuvudza kuti usaenda ne mwana wako ukaita nharo so what do you accept me to do?" Elvis "I need a revenge ". Boss "Yekudii apa because zai wavuya naro ?" Elvis "Ndoda kuvuraya vanhu vese vanogara mu Island ". Boss "Ini handichipo take your 120 billion upended hako ". Elvis "The only thing you care about now it's is egg rinei chaizvo ?" Boss "Rine zvese zvatinoshuvira kuva nazvo kana zvatinoda kuva". Elvis "OK maita basa ne mari ini nemwi zvedu zvaperera pano ini ndakuenda kunoviga mwana wangu ndodzokera kunovuraya vanhu vese ". Boss "Wish you the best ". Elvis ne vakomana vake vakabva vatora mari ndokubuda zvavo mu office ya boss vavo .Boss vakabva vasara vakabata zai riya vachinyemwerera . Vakatora phone yavo ndokufonera umwe wavo ... Boss "Hie come I have the egg ". Boss vakabva vadira wine ndokunwa zvavo vachitenderera pa chair . Makuseni iwayo Baba Amos ne vamwe vavo vakabva vasvika mu guta kwavaivona vanhu vari kure ... Baba Amos " Varume mutambo uyu unoda kungwara munhu akaba zai ari kuno asi isu hatisi kuda zai tiri kuda book riya ndiro richatipa map yekune zai .Saka zvatoita apa isu ngatitorei hembe idzo tipfekevo se vanhu ava kuti vanhu vasaziva kuti tisu ". Jinda " Yaaa zano renyu rakanaka handei vakomana ." Vakabva vatora hembe dziya mukati makanga mune ka mari asi ivo vakanga vasingazivi kuti chii .Vakabva vatanga kufamba muguta asi vaivgunduka pavaivona mota uye ne zvimwe zvavakanga vasina kumbovona .... Jinda "Manje munhu wacho akaba book tinomuwana kupi ne muwandiro wakaita vanhu kudai ?" Jinda 2 "Usawara mudzimu yedu ichatitungamirira tomuwana chete". Vakabva vaenderera mberi ne rwendo rwavo .Makuseni ezuva iroro Mambo ne vamwe vavo vakabva vapepuka vari pakati pe vanhu vayiita noise .Vakavhunduka ndokubva vasimuka vachida kutiza asi pakanga pasina pekutiza napo .... Mambo " Yaaa nhoroondo ye vanhu ava ndeye shuwa nhayi ndaiti vakuru vanonyepa tarisai mabonzo e vanhu ese ayo .Varume pano totorwa kuti tirarame pasina izvozvo tinogona kufa ". Mambo vari pakati pekutaura vakabva vaona vanhu vese vachidzokera kumasure pachibuda mukuru we vanhu ava .... Seu "Welcome to underworld usafunge zvekutiza hako ne kuti hapana akavuya muno akadzokera ari mupenyu .Saka kana uchida kurarama wotogona kurwa .Kwatiri muri nyama imwi ropa ndiko kunwa kwedu .Nyama yenyu ndokudya kwedu saka maita henyu mavuya tsungai. Saka zvamavuya kudayi tiri kuda nyama imwe chete kubva kwamuri ..... Mambo "Hapana munhu watiri kuzokupai isu ". Seu "Hatimiriri kupihwa tinozvitorera tega. " Ipapo umwe mukomana wechidiki akanga ari ipapo akabva atorwa ndokuiswa mu ring rekurwira .Ipapo pakabva papinda zirume rakanga rakabata ma chain akanga ane zvinobaya mberi .Vakabva vavhara ring kuti varwe ". Seu "Ipayi vaenzi vedu pekugara vavone show iyi .Tiri kuda munhu umwe chete abude ari mupenyu ipapo ." Vakabva vatanga kurwa apa mukomana akanga asina bakatwa rekurwisa .Akama kuda kudzosera asi zvaishaya basa kusvika arohwa ndokufa ipapo .Vanhu vaivona vakabva vatanga kufara kuti zvavo zvaita .Mambo ne vamwe vavo vakanga vasingachagoni ne shungu .Umwe wavo akabva abvuta banga ndokusa kutangakurwa ... Seu " OH unotoda kurwa nayi pinda mu ring tivone ". Mukomana akabva atanga kufamba achienda akabata bvumo rake ... Mambo " Kwete Ngoni usaenda ". Ngoni ne hasha hana kumboterera akabva asvika mu ring ndokuenda kune hama yake yakanga yafa ndokuivhara maziso .... Sue "Let the fight begging ". Vanhu vakabva vatanga kufara .Ngoni akasimuka ne pfumo rake achirikanda ne simba rake rese richisvika richibaya mahuro . Vanhu vese vakashamisika vachivona munhu achiwa ka 1 asina kana kumobatwa .Vanhu pavakavona kuti munhu wavo afa vakabva vatanga kufara .... Seu "Well-done nhasi manheru uri kuvuya kuzorwa ne umwe munhu saka vaisei mudzimba dzavo ." Vakabva vatorwa ndokuenda kunoiswa pasi pe pako apo pamukova pacho paigara pakarindiwa nguva dzese ... Mambo " Ngoni zvawaita izvi wazviisa pa nguva yakaoma chaiyo ". Ngoni "Nei madaro Mambo ?" Mambo " Nekuti vachaita zano ravanogona kuti urwe kusvika mukufa ". Ngoni "Izvozvo ndizvo zvandakadzidza kuti unofanirwa kurwira vamwe vako chero zvichida kuti munhu afe irwa chete". Mambo "Manje manheru iyaya vachakupa munhu anogona kurwa wodii wofa here isu hatina kuvuya kuno kuzorwa tavuya ne chinangwa ". "Kana pasina kurwa haumbofi wakararama makore akawanda muno ". Mambo ne vamwe vavo vakabva vacheuka kumasure ndokuvona pane sekuru yakanga yachembera iro imomo ... Mambo "Ndiwe ani iwewe ?" "Ndini sekuru Tembo vakabva kudunhu renyu ndiri ka mwana kusvika izvezvi ". Mambo " Manje tobuda sei muno ?" Sekuru Tembo " Makapinda vanhu vakawanda muno asi hapana akabuda ari mupenyu ". Ngoni "Ko sei imwi muri mupenyu ?" Sekuru Tembo "Kugona kurwa since ndakavuya muno ndaingorwa chete ndiko kwakava kurarama kwangu ". Jinda " Ko munodyei muno sezvo vanhu vacho vachidya vanhu ?" Sekuru Tembo "Kutodya hove dzavanovuya nadzo asi dzimwe nguva kutodya vanhu ne kuti hove dzacho hadzivuyi zuva ne zuva ". Vakabva vaenderera mberi ne kuvhunza zvakawanda vachida kunzwisisa .... Zuva rati kwirei Tonde na Timothy vakabva vakwira taxi ndokuenda kwe shamwari ya Timothy ..... James "Long time my friend welcome back ". Timothy "Yaaa I'm back man ". James "Ko uyo ndiani manje ?" Timothy "Someone ari kuda rubatsiro kubva kwatiri ". James "OK where is your brother ?" Timothy "Long story bro ! " James "I'm sorry mission yenyu yaive yakaipa ". Timothy "But ndakavaudza mukoma vangu havana kuterera ". James "Chirega kudaro wangu ". Tonde "Taurai zvandonnzwa ". James "Ari kuti chii ?" Timothy "Don't mind him hagoni chirungu ". James "Olk saka pakaipa unotaura naye sei ?" Timothy "Tonde gara pano tiri kuvuya rega ndipinde naye mu officer make usabva pano ". Tonde "Olk hapana kuipa ". James "Ho nai ndiwo matauriro enyu aya ". Tonde akabva asara akagara Timothy na James ndokupinda mu officer .... Timothy "Shamwari ndiwo unoziva history saka ndoda kuti utsanangure zviri kureva book iri zvimwe zvakanyorwa handisi kukwanisa kududzira ". James "Aaa une book iri wakariwana kupi ?" Timothy "Rakabiwa na bhudhi wangu ku vanhu ava asi radii ". James "Book iri is the key kune egg and book iri it cost 200 billion Dollars ". Timothy "Chii chakakosha book iri kana zai ?" James "This book rakakosha kudarika everything in this world .Zai kana risina tsvimbo yeHwumambo rinobutsika after 3 days ". Timothy "Ndiani adaro ?" James "Ndizvo zvataura book . " Timothy "Saka zvatichaita apa toda kuti Tonde andibetsere kurwisa Elvis kana amurwisa togona kumubetseravo ". James "Ko Wadii kungotora book iri waenda kunotora mari imagine 200 billion dollars yako chete ". Timothy "It's not about money sahwira but it's about to save the world ". James "Which world Timothy?" Timothy .Dunhu ravo riri kuparara kutaura kudai hama dzake dziri kutambura and he is the only key kuvabatsira ". James "Sahwira tora mari usiyane ne zvakawanda ndiwo mukana wako uyu ". Timothy "No sahwira you don't understand I don't want to do the same mistake yakaitwa na mukoma vangu because of money .Unofunga kuti ndiani angakupa mari yakadaro .You know iyi ndiyo adventure manje and you know kuti yakaoma sei vakawanda vanofa ". James "OK saka iwe unoda kuti ndidii ?" Timothy akabva asimuka ndokuzevezera kuna James . Timothy akabva abuda panze ... Timothy "Tonde vuya hako ". Tonde akabva apinda mu office ndokugara pasi .... Timothy "No gara pa chair Tonde ". Tonde "Saka shamwari yako yati kudii ?" Timothy "Rega izvitaurire zvaafunga ". James " Ndinogona kukubatdira Tonde asi ndoda kuti uyange wandibatsiravo ". Tonde "Unoda kubatsirwa nei ?" James "Ndoda kubatsirwa kuvuraya munhu akavuraya Thomas ." Tonde "Unozondibetsera here?" James "Hongu kana wavuraya ndokubetsera I promise you zviri nyore izvi ." Tonde "Musazoita ma fake promise ". James "Kwete handidaro ". Tonde "Saka munhu wacho aripi wandofanirwa kuvuraya ". James "Mangwana tiri kuenda kumariro anenge aripo saka zvakawanda ndichakuvudza ". End of Chapter