Episode 17 Story by Malvern Ndlovu #Adventure Hie guys I was not feeling well ma days apfuura aya .Ndakanga ndisingakwanisi kunyora so ndava nani hangu .Enjoy this chapter chero iri diki kuudayi see you next time book rava kuvuya likewise . Ghos Seu "Ndati ndivigirei Ngoni pano ndiri kuda musoro wake ". Vakomana vakabva vaenda ku bako ndokuwana Ngoni akaita half dead ndokumusimudza ndokuenda naye kuna Seu ...... Seu "Kurumidzai kuvhura bako ndiri kuda munhu wese ari imomo avuye pano ". Bako rakabva ravhurika asi vanhu mangana musina ...... Man1 "Hamuna kana munhu umu ". Seu "Tarisai kuti vabuda nepapi ". Man2 "Hapana pari kuratidza kuti pabuda ne munhu apa ". Seu "Saka sekuru vashandisa magic dzavo kuti vakwanise kubuda muno ". Man1 "Saka todii?" Seu "Ndivigirei mvura ". Mvura yakabva yavuya ndokubva vadira Ngoni pekutanga asi mukomana hana kumuka .Mvura yakabva yavuya kwechi 2 ndokubva vamudira munhu hana kumuka .Seu akabva avhura muromo wake ndokutanga kurova chifuva apa mvura ichidirwa mumuromo mukomana hana kumuka ........ Man 1"Afa uyu yatova nyama iyi ". Seu "Kwete iyi haidyiwi ndoda kuti amuke cheke ". Man 1 "Nei manyanya kumuda ?" Ngoni akabva atanga kukosora achibudisa mvura munuviri wake .Seu akabva amubata muhuro ...... Seu "Ndivudze kuti wanga uchidei mu bako rakanga rine Tsvimbo ". Ngoni "Ndanga ndichida kuvarambidza kutora Tsvimbo saka pandanga ndichida kuidhonzera Tonde iya abva ayiregedza ndipo pandatanga kuita kunge ndiri kurohwa ne mheni". Seu "Nhema vaziva sei kuti Tsvimbo iri ikoko ?" Ngoni "Ipapo handizivi hangu ini asi chandoziva ndechekuti ndawana Tonde ana Sekuru Tembo ". Seu "Uri kunyepa iwe varume ava vanokudya ukaita zvekutamba neni " Ngoni "Munogona henyu kuda kundidya asi ndini ndega ndinokwanisa kudzosa chabiwa pano ". Seu "Tinokuvimba sei iwe uri iwe wavaratidza Tsvimbo yehwumambo ". Ngoni "Musandivimba asi ndichakubetserai nemazano kuti muwane Tsvimbo yenyu '. Man 1 "Saka muri kutomuterera munhu uyu avuraya dunhu redu ". Seu "Handisi kumuterera asi ndikamuvuraya izvezvi Tsvimbo tinoiwana kupi uye sei ?" Man 1 "Haaaa uyu munhu ini moyo wangu uringoti nyama chete asati adya isu ". Seu "Iwe uri kupikisa zvandiri kuda here kana kuti ?" Man 1 "Handisi kupikisa hangu asi zivai kuti hauchisiri mukuru wedu ne kuti wasiya vatorwa vachitora Tsvimbo yehwumambo saka torarama nei pasina mvura ". Seu "Ndiri kuvona kuri kuenda nyaya yako dai wasiyana nayo ". Man 1"Kwete kana ndisina kudya Gumbo rimwe ra Ngoni ". Ngoni "Manje ndozofamba sei kana tava kuenda?" Man 1 "Saka tocheka ruvoko rwumwechete kuti ndirambe ndakanyarara '. Ngoni "Seu ndokumbiravo usaure naye asadaro ndoita zvese zvamunoda ". Man1 "Zvatiri kuda ruvoko rwako ka handi wati zvese zvatoda here ". Ngoni "Kwete ini zvimwe zvese ndoita kudunhu ndoziva kuti vanhu vanohwanda kupi ndokupai vese modya ". Man1 "Kwete Seu handi wati uchazomuvuraya kana awana Tsvimbo saka kuratidza kuti uchaita sekudaro tiri kuda ruvoko rwake izvezvi". Seu "Ndichaita kuda kwenyu varume ". Ngoni "Musadaro kani varume ndokumbiravo kani ". Vakomana vakabva vabata Ngoni ndokutora ruvoko ndokuisa padanda ndokubva vatema ne Demo ruvoko ruchiwira uko .Ngoni akabva aridza zimhere rakanzwika Nana Tonde ...... Tonde "Munhu ari munhamo uyu ". Mambo "Ndiye akazvisarudza ". Sekuru Tembo "Tava kutosvika kunze manje manje '. Ipapo zuva rakanga rava kuda kunyura moto uchiita kupenga dunhu rese .Moto wakanga wakomba makomo ese Amos na Sekuru vake vakanga vongokosoro vava kushaya mweya wekufema .Amos akabva asimuka ndokutora mvura ndokudira hembe dza Timoty ndokufuga na Sekuru vake ..... Baba Amos vakanga vatosvika ku mvura ne vamwe vese asi pavakaona kuti moto uyu uri kuramba kupera mu gomo baba Amos vakabva vasimuka ........ Alice "Muri kuda kuenda kupi garai mumvura umu " . Baba Amos "Kwete ndofanirwa kutevera baba vangu ne mwana wangu ". Alice "Kwete haumbosviki uko unenge wafa ne kushaya mweya ". Baba Amos "Saka zvoreva kuti ivo vatofa ne kushaya mweya ka ?" Alice "Kwete handina kudaro Amos mukomana anoita zano chete .Asi handifungi kufi kana moto wasvika mukati me bako ink ". Baba Amos "Kufunga kwako ngakuve right ". Vanhu vakanga vakangoringa dunhu rese richipfuta chero vana James ....... James "What now ?" Elvis "Kana moto wapedza mangwana kuseni topinda musango tovhima hedu '. James "Kana book ririmo rinenge ratotsva ka ?" Elvis "Book hazviiti rinogara mumavoko avo ". Zveshuwa Alice book akanga atori naro mumvura imomo.Ngoni ayibuda ziya kunge munhu ari kutsva ne kurwadziwa .Akabva azvisunga ruvoko kuti ropa risaramba richibuda ......... Seu "Mangwana uri kuzotiratidza kune vakatora Tsvimbo yedu kana wadaro wochifa hako ". Ngoni "Hakuna kufa kunodarika uku handina chandichakuratidzai ini ". Seu "Saka unofa hako ". Ngoni "Zvakangofanana chero ndikakubetserai ndichazongovha ". Seu"Zvakasiyana ne kuti uchanonoka kufa ". Ngoni "Kwete zviri nani ndife izvezvi ". Seu "Uchatiratidza hedu kwavari hausati watanga ". Seu akabva atanga kurongedza mapfumo ake nema banga kuti ayendevo ku hondo ....... End of episode