STORY BY Malvern Kwaedza vanhu vakaungana pa Mambo kuti vape pfungwa dzavo pamusaka pe murungu..... Mambo : 'Maita henyu mavuya hama dzangu ndoda kuti mutipe pfungwa dzenyu pa nhawu iyi '. Tonde : ' Pamusoroi mambo ne chaunga ini hangu pa nhawu yangu ndafunga kufa pane kutiza .' Vanhu vakashamisika ne sarudzo yakanga yazvipa Tonde..... Mambo ; ' Kwete hausi kuzofa asi uri kuzobuda mudunhu rino uchida kana usingadi .Ndaida kuvona kuti unosarudza zvipi .Dai wasarudza kubva mudunhu rino zvaireva kuti waifa asi zvawasarudza kufa saka uchabuda mu dunhu rino nhasi uno '. Tonde ; ' Ndoenda kupi nhayi mambo ?' Mambo ; ' Ini newe tapedza uchibva pano senga twako uyende usati wabata mwana wangu chibvaru . Pamusoroi ruregerero pangozopinda imwe nyaya saka makafungei pa nhawu ye murungu uyu ?' ' Mhawu ye munhu uyu yakanaka zuro manheru ndakavona chiedza pano kuratidza kuti tikamupa mukana anogona kuchinja hupenyu hwedu '. 'Ichokwadi chiri kutaurwa ne murume uyu asi iye ngaangoremekedza mutemo yedu bedzi '. 'Ini handina kuvata ndichingofunga kuti chii chandadya chinonaka '. ' Ini handina kurara ne nhawu ye hondo yandanga ndichirota mudunhu rino .Madii kungomudzosera kwaakabva '. Mambo : 'Inhawu yekutya vanhu musarohwa ne hana hapana chaipa chinoitika apa . Saka nhayi Thomas zvakawanda uchavuyanazvo rinhi ?' Thomas :Kana mukandipa mukana ndinovuya nazvo mangwana kuseni'. Mambo : ' Ndovimba kuti nhawu ainzwa mese saka mangwana kuseni movuya zvekare kuzodzidza zvakawanda .Tonde voneka hama dzako kwekupedzisira uchienda .' Vanhu vakabva vatanga kuenda kudzimba dzavo Tonde ndokuenda kuna amai vake .... Tonde : 'Amai handichaendi kumba nemwi regai ndiende hangu kutaura kwenyu ndakakunzwa '. Mai T : 'Tora chuma ichi ndicho chichakuchengeta '. Tonde : ' Maita basa amai .Amos sahwira chengeta amai vangu kana mukavona kuti zvaipa tizai muchienda chero dunhu rino rava dongo '. Machinda maviri akabva ayenda na Tonde kusango uko kusina akadzoka kana ukapindamo . AMai Tonde moyo wakarwadza asi vakanga vasina zvekuita ........ Mambo ; ' Thomas hatimbobuda tiri vaviri ndikuratidze zviri mudunhu rino'. Mambo vakabva vabuda na Thomas vari vaviri ndokuenda kugomo kunomuratidza dunhu rese ....... Mambo ; ' Iri ndiro dunhu rangu rakakomberedzwa ne mvura asi pane svimbo dzatisingasviki kune vanhu vanodya vanhu .Takazama kuda kururwisa rudzi urwu asi rwune simba saka takangosiyana naro .Hatina kuziva mwena waanoshandisa kuenda pasi pe nyika . ' Thomas : ' Saka nei dunhu renyu rakanaka kudai rine mvura ,michero ne mhuka ?' Mambo : ' Nditevere ndikuratidze kuti nei dunhu redu rakadai '. Vakabva vadzika gomo vachienda pa nzwimbo yakanga ine vanhu vakaumbwa .... Mambo : ' Bvisa bhutsu dzako ufambe ne tsoka '. Thomas ; 'Manje ndozobaiwa ka .' Mambo ; ' Hamupinzwi ne munhu akapfeka butsu umu itobvisa '. Thomas akabva abvisa butsu dzake ndokutevera Mambo vakanga vachipinda mubako .Vakabva vapinda pasi pebako ndokuwana mune maruva anovunza chiedza .Pakanga pane tsvimbo yaive iri mudenga yakagarwa ne zai ..... Thomas ; 'Ko nei tsvimbo iyo iri mudenga e magic ipi iyi '. Mambo : ' Haisi magic iyi asi ndiwo foundatoin ye dunhu redu '. Thomas ; ' Ok ndiyo inonzi the egg of life here iyi ?' Mambo : ' Hongu ko izvozvo wakazvizivirepi ?' Thomas ; ' Ndakazviverenga ndiri kucikoro .Saka manje dai iro rikabva apo chii chinoitika ?' Mambo ; ' After 2 minutes zai rabva ndipo panotanga kuwondomoka bako rino mvura yese iri mudunhu inopera .Mhuka dzinotanga kufa ne nzara .Michero ne bundo zvinooma isu totanga kutambura . Tsvimbo inofufunyuka kuita mavhu chaiwo '. Thomas : ' Saka manje rinozowanikwa kupi rimwe zai ne tsvimbo iyo '. Mambo : ' Long story munhu mumwe chete akaenda kunotora zai akavuya naro asi akafa asina kutaura zvakanga zvichiitika vamwe vese havana kudzoka. Zvanhasi zvakwana hande kunozorora wakamirira kuenda hako ,..... Thomas akabva atoziva pakanga pane zai .Ndokuenda kumba asi pfungwa dzake dzaingofunga zai bedzi ...... Jinda : 'Shamwari ngatimusiye pano munhu uyu mberi uko kunotyisa unozviziva '. Jinda 1 : 'Taura hako ini ndotya mberi uko .Tonde umwe wangu ruregerero hako isu tangotumwavo kuti tiite basa redu '. Tonde : ' Hapana kuipa varume haisi mvosva yenyu '. Jinda : ' Usadzoka kana ukararama ne kuti vanovuraya mhuri yako yese '. Tonde : ' Ndamborarama here .Imwi endai ndichasara ndoita plan kuti ndikwanise kurarama '. Machinda akabva adzokera zvawo Tonde ndokusara akagara hake ..... Mai T : ' Moyo wangu uri kurwadza kuti jaya rangu raenda '. Amos : ' Hamungakoni kurwadziwa amai .Saka manje zano nderipi ?' Mai T : 'Hapana kana zano kungorarama tichienda .' Amos : ' Ini regai ndiende ndinombovona vamwe ndichapota ndichivuya kuzokubatsirai .Kana pane chamunoda munovuya chero nguvai '. Mai T : ' Hapana kuipa waita hako Amos wofamba zvakanaka '. Mudunhu makaswera makanyarara zuva iri .Manheru akasvika Tonde akabva ayenda pamusoro pe gomo paanokwanisa kuvona zvese .Akabva agara zvake hana kuvesa moto sezvo akanga achitya kuzobatwa ne vanhu vanodya vanhu .Manheru iya pamuzinda wa Mambo vamwe vanhu vakanga varara .Thomas akabva ayenda kunogara pakanga pane machinda a Mambo .... Jinda 3 : 'Ko iwewe uri kudei pano enda kunovata uko '. Thomas : 'Ndangovuya kuzogara ndichifunda zvamunoita '. Jinda : ' Hapana kuipa isu tava kutorara saka vata ne cheapa takakomba hedu moto .' Vakomana vakabva varara zvavo kwava kuedza Thomas akabva apepuka ndokuvona vanhu vese vakarara ndokubva asimuka kunge munhu ari kuenda kuchimbuzi .Akabva ati tande akananga ku gomo kunotora zai .Achisvika pamusuwo akabva akotama achida kubvisa bhutsu .Akabva anzwa kuti kumasure kwake kune munhu akamira ndokusimudza musoro wake mbijana mbijana akatarisa ..... 'Uri kudei pano ?' Thomas : 'Ndiri kutoda kuvonavo hangu kuti zviri kufamba sei mubako umu'. 'Dzokera kwawakabva iwe umire kuda mari kudari hupenyu hwe vanhu '. Munhu akanga achitaura na Thomas akabva anyangarika .Thomas akabva atiza akananga ku muzinda wa Mambo akasvika achifemereka .... Jinda1; 'Ko chii chauri kutiza makuseni ano ?' Thomas : 'Ndanga ndichienda kunorasa mvura ndangobudikira ndava ku gomo uko kwandavona munhu azongonyangarika '. Jinda 2 : ' Anenge abatwa ne chadzimira uyu '. Jinda 1 ; ' Unenge wabatwa ne chadzimira ku gomo akuendewi manheru '. Mambo : ' Ko chii chaitika '. Thomas ; ' Ndanga ndarasika ndikabudirakugomo'. Mambo : ' Ndine muvhunzo wandoda kukuvhunza .Chirudzi chako ichi chakafanana ne chekuti the egg of life ndicho chaunotaura here ?' Thomas : ' Hongu ndicho chirudzi changu '. Mambo ; ' Saka zvinoreva kuti chii ?' Thomas : ' Zvinoreva kuti zai rehwupenyu '. Mambo : ' Aaaa saka zvanaka ka ndiwe uchaopatsanura book rakanyorwa ne chirudzi ichocho kuti tizive kuti zvinoreva chii hake mumba utipatsanurire '. Vakabva vaenda zvavo mumba Mambo vakabva vakabva vaenda kunotora book rakanga rakanyorwa ne chirungu .Makuseni iwawo shamwari dza Thomas na Bhudhi va Timoty vakanga varimo muchikepe vakamirira munhu ..... Timoty : ' Ivo vatora nguva yakareba kudai kwakanaka here ?' Elvis : ' Anofanirwa kuti avuye gold rake iri .' Timoty : 'A message yake yabva yapinda '. Elvis :'Hanzi chii ?' Timoty ; ' Hanzi ndakundikana kunotora zai makuseni ne kuti rinenge rakarindwa ne varidzi varo Asi ndawana umwe mukana kuti ndiri tore .Saka tava kuda kuvuya ikoko kunotora chikafu fanai kuhwanda kuti vasakuvonai '. Elvis ; 'Hapana kuipa tomumirira chatiri kuda izai bedzi kana mukatipa zai tokupai mari yenyu '. Timoty ; ' Asi zvamuri kuita hazvina kunaka honai vanhu vangani vanofa kana mukatora zai iroro '. Elvis ; ' Mukoma vako ndivo vega vakavuya ne zano iroro saka ini hapana zvandiri kuda kunza kubva kwauri .Taura na mukoma vako kuti varege kuita zvavari kua kuita asi nguva yacho yadarika ne kuti tatotambisa mari yakawanda '. Timoty ; ' Ndichataura na mukoma vangu maybe ndikaenda kunoshanda gold ndoriwana '. Elvis 'Tonzwa newe asi ini chandava kuda e zai bedzi '. Elvis akabva ayenda kunorara zvake akamirira zai .Elivs ayiva mushandi asi gold akanga achirida kudarika zvinhu zvese .Timoty akanga asingadi kuti mukoma vake vaite zvinhu zvakaipa kudaro asi mukoma vacho vaida mari .Mambo vakabva vatambidza Thomas book kuti averenge .Thomas paakavona kuti book rine zvakavanjika zvakawanda uye zvakakosha akabva anyarara ..... Thomas : ' Zuva rinenge rakwira mambo vangu regai ndiende kunotora zvekudya ndichiverenga book iri '. Mambo : ' Hapana kuipa asi chikumbiro machinda book iri risarasika'. Machinda : ' Zviri munjeve Mambo '. Vakomana vakabva vapinda munzira vakananga ku mvura .Thomas akanga akabata book achida kuzoriverenga kana awana nguva asi se munhu ayida kuvona nzira kuti kana otiza asarasika . Vakasvika pachikepe ndokumira ....,. Thomas ; ' Machinda batai book iri regai ndipinde nditore chikafu chacho '. Machinda : ' Hapana kuipa ita yauri kuita .' Thomas akabva apinda muchikepe ndokutanga kutora masaga akanga ane chikafu achikandira panze .Timoty akabva abudikira asi machinda hana kuzvivona sezvo akanga apihwa chikafu .... Thomas : 'Uri kudei pano ?' Timoty ; 'Mukoma ndavuya kuzotaura newi zvinhu zviri serious .Munofunga kuti mukavuya ne zai munopihwa mari hee ?' Thomas : 'Ndotadza nei kupihwa mari '. Timoty : ' Mukoma this is 12 billion remember mari ine ropa '. Thomas : ' Mafana inzwa unzwe kana iwe usingadi mari enda ini ndiri kutoda kugadzira hupenyu hwako '. Timoty ; 'Asi muchivuraisa vanhu vangani mhuka ngani mukoma '. Thomas ; ' Izvozo handinei nazvo handivazivi vanhu ava '. Timoty ; ' Ipapo ndipo pakaipa manje ivai ne moyo mukoma '. Jinda 1 : ' Kuti hamusati mapedza here ?' Thomas : ' Ndiri kuvuya .Timoty handina nguva ega ndiende pane zvakawanda zvandadzidza tiri kuzoita vapfumi isu rega ndiende ndiri kudzoka ne zai manje manje '. Thomas akabva adzokera kumachinda ndokubva vapinda munzira kuenda kumba ..... Mambokadzi ; ' Saka matomupa book re dunhu redu kuti apatsanure ?' Mambo ; ' Ndikakupa kuti upatsanure unogona here ?' Mambokadzi ; 'Handigoni asi dai mamupa apatsanura tse tiri pano .Manje iye abva atanga aziva zviri mudunhu rino isu tisingazivi '. Mambo ; ' Uri kuda kunditonga here ndikupe chigaro ?' Mambokadzi ; ' Kwete Mambo kungotauravo ruregerero '. Vari busy kutaura Thomas ne machinda vakabva vasvika .Hwamanda yakabva yaridzwa kuti munhu wese avuye '. Ipapo zuva rakanga rati kwirei Tonde akatovata pakabva pasvika Mhembwe ndokutanga kumufembedza .Tonde akamuka achivhunduka ndokukoka museve .Paakavona Mhembwe yakangomira akabva arega kuifura ndokuenda kwairi ndokuipurudzira .Akabva aziva kuti yanga yatumwa .Nzara yakanga yarova Tonde akabva aburuka gomio kunovhima .Achingoburuka gomo akabva arova tsuro ndokukwira mugomo zvekare ndokutanga kukakocha .Ipapo akanga achivona zvakawanda zvakanga zvichiitika mudunhu .... Vanhu vakabva vaungana mamuzinda .Munhu ne munhu akapihwa chikafu chake .Thomas akabva atora book ndokuenda ku gomo kunotra zai .Hapana munhu akamuvona sezvo munhu wese akanga ari pakati pekudya chikafu chinonaka .Thomas akabva asvika Mugomo ndokukurura shangu ndokupinda mubako .Akabva ayenda pakanga pane zai pakanga pasiri nyore kusvika asi akazama zvese kuti azvike . svika akabva abata Tsvimbo achida kuidhonza ikabva yaramba .Akabva abata zai ndokuribisa zvine simba ndokubva rabva iye achiriwa uko zai uko .Harina kuputsika ne kuti rakanga rakasiyana ne amwe mazai .Iro rakanga rakagadzirwa ne gold chete .Thomas akabva atanga kuverenga nguva kuti kana vanhu vozovona kuti zai raenda iye anenge ava kure .... Vanhu vaitova busy kuridza radio mu dunhu vachifara .Ipapo vakabva vaona mheni ichirova kugomo munhu wese akabva amira akatarisa .Radio yakabva yadzimwa vanhu vava kushaya kuti chii chaitika .Dunhu rakabva ratanga kusungunuka vanhu vese vakabva vatanga kutiza .... 'Ko chii chiri kuitika ku gomo uko ?' Mambo ; ' Hapana ari kuziva machinda mhanyai munovona .' Machinda akabva amhanya kunotarisa .Gomo rakanga risingatsikiki richipisa mvuraya yaipera zvishoma ne zvishoma .Machinda akabva adzokera ndokutsvika ndokungomira akatarisana '. Mambo ; ' Ko chii ?' Jinda 1 : 'Muchidumbu zai hakuchina '. Vanhu vakabva vatanga kutidza mhere .... Mambo ; ' Muri kurevi kana muchiti zai hakuchina . Ko murungu aripi?' Vanhu vakabva vatanga kumutarisa ndkumushaya ... Jinda 1 : ' Zvoreva kuti ndiye atora zai handei kunomubata asati adzokera'. Mambo : ' Mhanyai vakomana munhu asati ayenda .....' End of Episode 2