Story by Malvern Ndlovu #Adventure Vanhu vakabva vatanga kuchena .Elvis akabva ayenda pana next person ndokunongedzera pfuti ....... Elvis "Alice book riripi ?" Timoty "Alice taura vanhu vanopera kufa " . Alice "Book ndakarisiya mubako mandakanga ndakahwanda" . Elvis "Bapako akawanda mudunhu muno uri kureva bako ripi ?" Alice "Bako iro ratakasiya muna Amos na Sekuru vake " . Elvis "Olk saka vakomana sarai pano makarinda vanhu ava wese ada kutiza varaya .Alice ,Tonde handei tivone ". Baba Amos "Nenivo ndiri kuda kuenda ". Elvis "Hausi iwe Mambo pano saka gara pasi ndiri kudzoka .James ne mukoma umwe chete handei tivone vakada kutiza fura munhu ". Alice akabva atungamira road ndokubva vatanga kuenda kune bako racho . Vari munzira kuenda Tonde na Alice vakabva vatanga kutaura ne churudzi chavasinganzwi....... Alice "Nhayi Tonde uri kufunga chero vakawana zvavanoda pane pavachatisiya tiri vapenyu here ?" Tonde "Vanototivuraya kana vakawana zvavanoda". Alice "Saka tadii kuramba hapana pavachativuraya tese ". Tonde "Ivavo vanenge vachifa takatarisa zvinorwadza saka ngatitoita zvavari kuda ". Alice "Zvigodii ne kuti tichangofa ". Tonde "Maybe vadzimu vanogona kuzotipa rimwe zano rekukurira vanhu ava " . Alice "Tonde usadaro hapana munhu wavanovuraya kana tikaramba ". Tonde "Unodaro ne kuti hapana hama yako pano " . Alice "Kwete hazvisiri izvo asi ndiri kungoda kuti dunhu rinake chete ". Tonde "Tsitsi dzeyi tsvimborume kubvisa mwana we mvana madzihwa ?" Alice "Hapana asi kungovonesana hedu . " Tonde "Ndovimba kuti book ririko hatidi vanhu vanoramba vachingofa isu ". Alice "It's more than a book it's a magic book ". Elvis "Tasvika Alice tora book racho tivone ". Alice "Amos Amos ndini Alice musafura " . Hapana akadavira .Alice akabva apinda mubako book makanga musina Amos na Sekuru vake vakanga vasimo ........ Alice "Ndofunga kuti vanhu vanga vari muno ndivo varitora ". Elvis "Manje matsimba avo hasi kuvonekwa pamadota apa nei ukunyepa kaiwe ndovuraya shamwari yako iyo ". Alice "Mukomuvuraya Tsvimbo yehwumambo ichatakurwa nani manje ?" Elvis "OH ukuda kuzviita wakangwara ka hande kune vamwe ndoda kukuvuraira vanhu 5 tigovona zvauri ". Alice "Book ranga riripa asi haripo it means pane aritora ". James "Ichokwadi book ranga riri apa asi roratidza kuti pane aritora ". Elvis "Manje toriwana sei ndisati ndatsamwa ini ". Tonde "Kana vachitoziva kuti muri mudunhu rino havambofi vakabudisa book saka zvoda ndiri ini ndega ndataura navo book rinovuya ". Elvis "Ukuda kukura musoro handiti ka ". Tonde "Mune imwe plan here ?" James "Ok isu tava kuenda kudunhu tinokupa 1 hour chete kana usina kuvuya ne book zviri kureva kuti pa 1 hour munhu 1 ari kufa ". Alice "Kana zvakadaro ndiri kuda kuenda na Tonde ". Elvis "Hakuna zvakadaro ". Alice "Remember kuti ndini ndasiya book muno ". Elvis "OK saka 1 hour tiri kuvuraya vanhu 2 kana musina kuvuya ne book ". Tonde "Ko Tsvimbo Yehwumambo ndoita sei nayo ?" Elvis "Tsvimbo hande unoisiya ku dunhu then wochitanga kutsvaka Amos wacho ". Vakabva vadzokera ku dunhu Tonde ndokugadzika Tsvimbo Yehwumambo padombo payakanga ichivonekwa ne munhu wese ...... Elvis "Chiendai henyu munoziva zvatatenderana and ndiri kuvuraya munhukadzi ne munhurume ". Vakabva vapinda musango ndokutanga kufamba vachienda kugomo kwavanga vabva ...... Alice "Uri kufambisa shamwari ". Tonde "Ndosaka ndanga ndichida kuti usare une nharo chete ndoshaya why uri pano ". Alice "I know haundifariri Tonde I get it but behave like 2 minutes chete ". Tonde "Wangu you don't understand kuti vanhu ve mudunhu redu vakakosha zvakadii kwandiri .Ko vakavuraya umwe munhu izvezvi ko kuzoti vakavuraya amai vangu pafunge ipapo ". Alice "Zvese izvozvo zviri mupfungwa Tonde ndosaka ndada kuvuya newe kuno .Book harina Amos and bako rataenda harisi iro . Book riri ku mvura kwandabva uko ". Tonde "Ko wadii kutaura pese apa pane kutifambisa kudai ?" Alice "Sorry hako asi pane zvandoda kukuratidza mu book tisati tavapa ". Tonde "OK hande tinovona '. Vakabva vatanga kudzika gomo vakananga ku mvura ...... Seu "Right it's time manje Ngoni tungamira nzira tivone ". Ngoni "Ruvoko rwangu ririkurwadza tadii kuzoenda rimwe zuva " . Seu "Hatina mangwana and hatina dunhu saka kurumidza kufamba usati waita vusavi ". Ngoni "Mukandiita vusavi Tsvimbo yehwumambo hamuiwani". Seu "Handisi kuda Tsvimbo ndiri kuda book ". Dunhu rese repasi pe mvura rakabva ratanga kufamba richienda kudunhu kwana Tonde .Vana Tonde vakabva vasvika pa mvura paya ..... Tonde "Ko book riripi ?" Alice "Pane katanda ako ". Tonde "Mukati memvura remember e book ". Alice "No it's a magic book harina zvarinovona ". Alice akabva apinda mumvura ndokutora book riya .Zveshuwa parakabuda mumvura rakanga rakaoma kunge harina kumbogara mumvura ...... Tonde "Saka chii chawanga uchida kundiratidza ". Man 1 "Everyone mavoko made mudenga ". Tonde na Alice pavakasimudza musoro vakabva vaona kuti boys dza Elvis dzakanga dzasvika ...... Alice "Vaziva sei kuti tiri pano ?" Tonde "Pane zvaitika ne kuti matsimba edu havonekwi ". Man1 "Nyararai apa mufambe tivone .Iwe ndipe book ". Vakabva vatanga kufamba vakananga kune vanhu vese .Vakasvika ndokukandiwa pasi ....... Elvis "Muri kushamisika kuti takuwanai sei handiti .yaaa technology tanzwa zvese zvamataura uye tanga tichivona kwese kwamanga muchienda .James good job technology inoshanda .So Alice ndivudze zvawanga uchida kugudza Tonde". Tonde "Handi book munaro here zvitarisirei mega ". Elvis "Iwe nyarara ndiri kuvhunza Alice ". Alice "Zvitarisirei James anozviziva ". Elvis "Hahaha uri kufunga kuti kutamba ka ". Elvis akabva asimuka ndokubata Alice ndokubva amunongedzera ne pfuti ndokumuvhunza zvekare asi Alice hana kuda kutaura .Elvis akabva amurova nekumasure kwe pfuti .Tonde akabva asimuka ne hasha achimhanya kuna Elvis umwe mukomana akabva arova Tonde Gumbo ne pfuti ndokubva awira pasi ...... Elvis "No wamufurirei ?" Man "Anga achida kukurovai boss ". Elvis "Next time umusiye hapana zvaanomboita ". Tonde akanga achingoshinyira ari pasi apa ropa richibuda .Alice akabva ayenda paari ndokuvhara ropa ne mavoko ake achichema .Mai Tonde vakanga vasingachagoni ne kuchema .... Elvis "Uyu munhu akakosha ndiri kumuda ari mupenyu .Mhanya kuchikepe unotora zvekuti araoihwe izvezvi wndai muri vaviri now ". Alice "Hold on Tonde unorarama zvandogoda kuti uyite urambe wakanditarisa mumaziso .Usavata vhura maziso wakanditarisa '. James "What now ?" Elvis "Takutoda more days tiri musango muno kusvika apora " . James "Remember kuti hatina more days chikafu chinopera 3 days idzodzo ". Elvis "Vakomana vanoenda kunotsvaka chimwe ". James "Saka chindipai book ndienda hangu ". Elvis "Book ndiri kukupa kana tawana zai ndiyo promise yedu .Saka iwe tora book this 3 days uri verenge kusvika waridzidza ndoda kuziva kuti Alice anga achida kuvudza Tonde kuti chii ". James akabva ayenda kunotora book ndokugara hake pasi achimboverenga .Vakomana vakasvika ndokutambidza Alice mushonga .... Tonde "Uri chiremba here ?" Alice "Relax ". Tonde akabva abaiwa jekiseni receive rechiveve ndokubviswa bara riya ndokubva amusuka ndokuisa mushonga ...... Alice "Wava kunzwa sei ?" Tonde "Zvava nani doctor ". Alice "Handisi doctor ini asi ndakambovona zvichiitwa pa tv ". Tonde "Chii Tv " . Alice "Ndichazokuratidza .imborara uzorodze muviri ". Tonde akabva ambozorora hake .Alice akabva ayenda kuna Elvis ...... Elvis "I hope wamurapa ". Alice "Ehe asi vanhu vese ava havana chikafu saka ndanga ndichida kuvhunza kuti toita sei navo ?" Elvis "Handinei navo ini munhu wandiri kuda ndi Tonde chete". Alice "Chero ndaiye ane nzara ka ". Elvis "Chake chikafu chiripo hacho ". Tariro "Baba ndava kunzwa kurwadziwa mudunhu ". Sekuru Tembo "Yava nzara mwanangu .Tana ndiwe munhu umwe chete anokwanisa kuponesa mwana wangu pa nguva dzino ". Tana "Mukuda kuti ndidii ?" Sekuru Tembo "Enda kunotsvakira mwana wangu chekudya ". Tana akangosimuka ndokubva angokoita se mhepo achienda mudondo .Boys hadzina kuvona kuti chii changa chabva pa vamwe havana kunge vazviisa mumusoro ....... End of episode