Episode 28 Story by Malvern #Adventure David " Ndakanga ndakamirira Tsvimbo iyi for 5 years thanks nekundivigira .Giants kill them both ". Tonde "Wait if you kill me ndiani anokwanisa kuzobata Tsvimbo iyi ". David "OK giants kill umwe uyu ". Tonde "Wait uyu mukamuvuraya it means matondivuraya so kana muchida rubatsiro rwangu hapana ari kuzofa pano ". David "OK so what brings you here the Egg?" Tonde "No tanga tichitodavo kuvona ma adventure edu asi tangozoita mistake tikasvika kuno ". David "OK so Tsvimbo iyi makaiwana kupi ?" Tonde "Tsvimbo iyi ndeya sekuru va sekuru va sekuru va sekuru ....." David "OK tazvinzwa kuti vasekuru so chii chiri kuita kuti uyibate iwewe ?" Tonde "Ndine ropa remadzibambo angu hapana magic inokwanisa kubata Tsvimbo iyi". David " OK nice ". Tonde "So why uri king kune vanhu vakakura kudai ?" David "You can be anything you want kana une pfungwa chete ". Tonde "Yaaa I see ". David "Nei umwe wako asingataure ". Tonde "OH anotya vanhu plus mamuvhundutsira so hataure hake ". David "OK so where can I find the book ?" Tonde "Book what book ?" David "Book rimwe rinovhura pane Egg of life ". Tonde "Handina kana chandiri kuziva pazvese zvauri kutaura .The Egg of life , book hapana chandiri kuziva ndiri munhu angorasikira muno ne mistake please ndoda kudzokera kumba " . David "Uri tsotsi iwewe zvese zvauri kutaura I wish I can believe it asi uri kureva nhema dzakangwara ". Tonde "Muchireva kuti chii ?" David "Dai uri munhu asingazivi zviri kuitika pano nei wazota kunge wakambosangana nazvo ". Tonde "Mukuru mukumbozama kureva kuti chii ?" David "Ndiri kuti nei wati kana mukavuraya munhu uyu munenge matovuraya ini uye wakaziva sei kuti Tsvimbo yako inovuraya munhu wese aribata ?" Tonde "Saka moda kuti muvuraye boss vangu ndiripo here ndosvika ndichivudza vanhu kuti chii .Tsvimbo obvious pandakapihwa ndakavudzwa kuti isabatiwa ne umwe munhu". David "Yooo mwana iwewe une nhema shame giants vaisei mujeri redu mangwana kana asina kundivudza kuti book riripi umwe wake arikufa chete ". Tonde na Elvis vakabva vakandiwa mukomba ndokugara imomo .Zvese zvaitaurwa zvaive munzeve dzana Mambo asi hapana chavakakwanisa kuita .Vakabva vapinda mubako rakanga riri imomo ndokugara pasi kuti varonge zano..... James "Elvis akafa kudunhu kana kuguta hakusvikike so ngatiite zano .Hero redu Tonde nhasi rawira munataisireva saka todii?" Alice "Tofanirwa kuvapa book hapana imwe plan pano ". James "Terera mashoko ako .do you know why I'm here inhawu ye book iroro saka kana mukavapa ini ndodii manje ndoriwana kupi ?" Mambo "Manje tosiya Elvis achifa here iwe uchichema cheap futi kuti hakudzokereke ". James "Izvozvo ndiri kuzviziva tikuda Elvis alive asi kwete kupa vanhu ava ". Baba Amos "Iwe usada kutijairira pano ndine mhuri yakandimirira kana ndabva kuno saka iwe kana usingadi kuti mhuri dzedu dzirarame iwe chifa right ". Ipapo Baba Amos vakabva vabudisa banga vachitoda kucheka James .Mambo vakabva vabada zvino James akanga ava kungobuda musodzi ..... James "Zvino kana ndoda kuvuraiwa ne vanhu vangu ma giants pane paachatisiya here ". Mambo "Iwewe mind your words hapana anomborwa newe tiri 1 family pano kupandukirana tichaitira mberi kwete kuno". Baba Amos "Saka ndiani achaenda ne book racho ". Alice "Right ndine plan pano ndini ndichaenda ne book asi tichaita plan B kana zvaramba imwi ndimwi muchasara muchiita imwe plan ". Mambo 'Saka book uri kuenda naro rinhi ?" Alice "Manheru kuti vasazonyanya kuvona ". Mambo "Saka ngatimbozororai muno hedu ". James "Nzara yandirova todii tadzokera kubako ". Mambo "Shinga handi uri kuda book ". Vakabva vagara zvavo ipapo akanga ari masika zvawo Ngoni akatogara pa side pa Seu ..... Ngoni "Manje vanhu vangu havadyi zvamuri kudya izvi vanoda chikafu todii manje ipapo ?" Seu "Iwewe hauna chandichaterera kubva kwauri ". Ngoni "Ndinozviziva hangu asi manje vamwe vanhu vava kuhwuwa apa vanoda kugeza vamwe vanoda kuenda kuchimbuzi vamwe ndivo vanoda kunwa mvura zvese nekudya ". Seu "Saka uri kureva kuti nyama yedu iri kunhuwa ?" Ngoni "Kwete ndiri kureva vanhu ava '". Seu "Ehe ndiri kuzvinzwa asi inyama yangu ka so inogonhuwa sei .Pamovhima muchivuraya nguruve munoisiya here nekuti yakasviba ?" Ngoni "OK ndava bho ne muvhunzo yako ". Vachitotaura kudaro vakabva vanzwa hwamhanda kurira kugomo kwakanga kwafira vanhu vake .... Seu "Ko sound iyo iri kureva kuti chii ?" Ngoni "Iri kureva kuti vuyayi mutigamuchire " . Seu "So it means Tonde adzoka ka ?" Ngoni "Kwete Tonde anobva ne side iro kune mvura ." Seu "Ndivanani vasipo pano vamuri kuziva ndisati ndavuraya umwe wenyu ". Ngoni "Kwete rega nditaure navo ini mune zvakanaka ". Ngoni akabva atanga kufamba achienda kuna Mambokadzi.... Ngoni "Ndadzoka zvekare ndivanani vasipo pano ?" Mambokadzi 'Ini handikwanisi kukuvudza asi enda pana Amai Amos maybe vangakubetsera ". Ngoni "OK maita basa ". Ngoni akabva ayenda kunogara pa side pa Amai Amos ..... Mai Amos "Ko kwakanaka here mangosvika pano ndokunyarara ?" Ngoni "Handisi hangu kuziva pekutangira ". Mai Amos "Taura hako timzwe mwanangu ". Ngoni "Ndozviziva kuti ndiri munhu akaipa kwazvo asi handisi kuda kuti vanhu vafe mudunhu rino so ndokumbiravo kuvudzwa kuti ndivanani vasipo pano ". Mai Amos "Handisi kuziva ini chandiri kuziva kuti mwana wangu akafira mugomo na sekuru vake hamheno kana vari vapenyu ". Ngoni "Maita basa Amos mukomana saka anogona kuzvichengeta ". Ngoni akabva asvika kuna Seu ..... Seu"Nyepa tinzwe ". Ngoni "Hanzi pane vakomana vaviri vasipo ndofungidzira kuti ndivo vari kuvuraya vanhu vedu ". Seu "Vanhu vedu ukuzama kureva kuti chii?" Ngoni "Ndiri kungoreva kuti ....." Seu "Hauna vanhu iwe , chinzwa chikomana izvezvi ndiri kutuma vanhu vangu 10 kana vakasadzoka ndiri kuvuraya vako 10 ". Ngoni "Kwete iyoyo haisi mhosva yangu madii kuenda mubozvivonera kuti chii chiri kuitika ini handingakwanise kumisa zviri kupedza vanhu mugomo umo ". Seu "Ok saka zvatava kuita ndeizvi iwewe chienda ne vanhu vangu kana mukafa ikoko ifai mese usadzoka pano ". Ngoni "Hazvigoni futi kuti ndisiye vanhu vangu vega pano ko kana mukasara mukatanga kuvaita hwusavi ". Seu "Uri kutoyema pano uri kufunga kuti kutamba kana Tonde asina kuvuya pano in 6 days muri kufa mese zvenyu .Saka iwewe enda ne vanhu vangu ku gomo ikoko mugamuchire munhu wacho ". Ngoni "Asi ndapota musavuraya vanhu vangu ". Seu "Handisi kuzivavuraya ". Ngoni akabva asimuka nemachinda 10 ndokuenda kwakanga kuchibva ne hwamanda ipapo zuva rakanga rava kutovora zvaro ..... Mambo "Ummm moyo wangu uri kuramba kuti Alice uyende wega uri munhukadzi uyu mambo wavo atova ne makore asina kana mukadzi manje akatokuvona handivoni sekuti pane zvinobuda ". Baba Amos "Ichokwadi ko tadii taita rimwe zano ". Alice "Hapana rimwe zano ndini ndega ndokwanisa kuverenga book iri ". Mambo "Yaaa ndiri kuzvinzwa asi hausi iwewe muridzi waro". Alice "Muchizama kureva kuti chii ?" Mambo "Kuti iwewe tinosvika apo toti....... Vakabva varonga zano ravo rese ndokubva vabuda mubako vari vaviri vamwe ndokusara Zano ravo rakanga ratogadzirwa kare . Vakabva vaita noise .... Mambo "Tavuya ne zvamuri kuda tipei Tonde pano ". David akabva avudza ma giant kuti vasavabata .... David "OH wavuya ne girlfriend wow ndakaguma kuvona munhukadzi kare ". Mambo "Hatina kuvuya kuzokupa mukadzi asi ndavuya ne book rauri kuda tipe vanhu vedu tidzokere " . David "OH I knew it kuti Tonde wenyu ane nhema dzinotyisa .Anyway pano ndinotonga so ndiri kuda mukadzi ". Mambo "Kwete book nderangu iye ndiye muverengi saka kana musingadi ndoridambura izvezvi ". David "Ok nditambidzei book racho ndikupei vanhu venyu " . Mambo "Kwete tiri kuda kutanga tavaona ". David "OH mukufunga kuti ndakapusa iwe dambura book tivone kuti unoenda nepi uye mese muri kuzofa kana mukasandipa book iroro". Mambo "Ok ndazvinzwa iri book racho " . Alice "No hazvisi izvo zvatatenderana izvi mamupirei book ". Mambo "Sorry hako handingasiyi Tonde achifa ndimwi makativunza kuno pano saka kana tichifa tese tinofa tese pano ". Alice "Coward ndosaka muchingoitisiwa hamuna pfungwa ". Mambo vakabva varova Alice imwe mbama Alice achibva awira pasi ..... David "Wow yaaa ndizvo zvinoitwa munhu asinganzwi izvozvo so Mambo vuyayi timbodya kuno uyu mukandei munana Tonde tichavona zvekuita naye ..... End of episode