Episode 27 Story by Malvern #Adventure Vakabva vatanga kutevera ma giant kwaakanga achienda kunonwa mvura .Ma giants akasvika ndokunwa mvura zvavo ndokubva agara pasi apa mvura yainaya everyday .... Tonde akabva avudza Baba Amos na Mambo kuti vakwire mumuti vagare vakakweva museve .vamwe vakabva vasara pasi vakabatavo pfuti Tonde ndipo paakabva atanga kuenda kabata Tsvimbo yake ..... Tonde akabva asvika ndokutanga kutaurisa asi ma giant aoabva Asuka hana kuvona kuti ndiani..... Giant 1 "Pane munhu akutaura ukumunzwa here ?" Giant 2 "Ehe asi akuraridza kuti ari kure ". Tonde "Hello ndiri pano ". Ma giants hana kunge aziva kuti Tonde ari pavari .Tonde akabva avakumisa ne Tsvimbo giant rikarohwa nemagetsi richibva ratarisa pasi ndokuvona pane munhu ..... Tonde "Sorry ndikuda kutaura nemwi ". Giant 1 "Ndiwe ani ?" Tonde "Ndini Tonde ndanzwa muchitaura nyaya kumasure saka ndati ndivhunze ". Giant 1" Vuya timuvuraye iwe ndiye avuraya umwe wedu ". Giant 2 "No tatenderana kuti hapana watiri kuvuraya plus ka munhu ikaka pane paachavuraya umwe wedu sei ?" Giant 1 "Iwe vanhu ava vane pfungwa kudarika isu .Tarisa mambo wedu kadiki seaka so unofunga kuti angatadza kuvuraya isu sei ?" Giant 2 "OK Mira tinzwe kuti vari kudei ". Tonde "Ndiri kuda kutaura nemwi " . Giant1 "Izvozvo ndazvinzwa ukudei ?" Tonde "Ko Mambo wenyu akabvepi uye rinhi ?" Giant 1 "°I hate to repeat this story again and again ". Giant 2 "OK ini ndinoifarira rega ndiitaure asi yakareba zvisingaiti .... Tonde "OK hapana kuipa taurai tinzwe ". Giant 2 " Five 《5》 Years ago mudunhu rino zuva raiva richibuda mazuva ese dunhu redu asati ava marangwanda amuri kuvona aya . Umwe musi tichitofara hedu se vanhu mudunhu takanzwa sound yakarira kubva kurwizi ukokwatogezera .Takabva tamhanya kuti tivone kuti chii chaitika .Takasvika tikawana chiri chikepe chafira ipapo asi takabva avona padivi paita zi gomba asi isu hatikwani kuti tipinde imomo .Takabva tavona vanhu 5 vakawira Kuma side kwe mvura ipapo takabva taenda navo kumba hatina kuziva kuti tanga tatakura dambudzoko dai takaziva takavauraya .. Vanhu ava vakabva vamuka vachitya asi takavavudza kuti musatya ivo vakabva vazvinzwisisa ndokubva vatotanga kutamba nesu. Pasina ma week matatu 《3》 Vakabva vaenda kunovona pavakawira ipapo ndipo pavakadzoka nema bag avo isu hatina kuita basa nazvo .Mambo vedu chaivo vakabva vavafarira sezvo vaiva ne zvinhu zvinoyevedza kuvona ne meso .Rimwe zuva pakabva paita mutambo mambo vakakumbira kumbosara ne vanhu ava isu tisimo .... Mambo vakabva vavaratidza the Egg of life apo paive ne Tsvimbo ne book ndizvo zvaiva key yacho .Saka vanhu ava pavakaona kuti vawana zvavaida vakabva vaisa poison mudoro ra Mambo kuti vakwanise kutora zai iri .... Mambo vakabva vafa varume ndokutora moyo wamambo ndokutanga kuita black magic dzavo ndokumwisa umwe wavo ava mambo now .Isu takabva tatanga kuvona masikati achiita manheru tikabva tamhanya kunovona mambo tikawana mambo vakafa ipapo takabva tatanga kurwisana ne vanhu ava asi takakwanisa kuvuraya 4 chete .... 1 wacho akanga anwa moyo wa mambo wedu akanga ari powerful hatina kukwanisa kumukunda akabva atanga ku control njere dzedu kana tiri pedo naye asi kana tiri kure zvinenge zvava kuita zvichipera ..... Iye chaayida e zai asi book ne Tsvimbo zvakabva zvangonyangarika ma doors epane zai akabva avharika hapana anokwanisa kupinda kana kubuda .So kubva ipapo takabva tatoita vashandi vake kuti tizame kuvhura asi zvakaramba kusvika nhasi uno ." Giant 1 "°Yooo nhoroondo iyi unoida shame ". Tonde "Saka manje hapana ari kukwanisa kuvhura bako here?" Giant 2 "Book ne Tsvimbo ndizvo zvega zvinokwanisa kusungunura dunhu redu and hapana anoziva kwazviri asi mambo wedu akangomirira kuti maybe pachavhurika ". Tonde "Ko munodya vanhu here ?" Giants 2"Vanhu vakaita semwi tiri kuvauraya ne nhawu ya Mambo vedu vanoti tivuraye ". Tonde "Saka mambo wenyu akaita sesu here ?" Giant 2"Eh asi iwewe uri mutema iyeye murungu " . Tonde "OK saka tinokwanisa kumubata sei ?" Giant 1 "Zvinonetsa ne kuti anoraga akarindiwa zuva ne zuva" . Alice "Tonde tonde iwe ma giant aya 2 ayo ari kudya ". Tonde akabva aregedza tsvimbo nekuvhunduka .... Tonde "Ko chii chiri kuitika ?' Alice "Hanty wamboti timire pano sezvo tisati tavona ma giant acho manje tamira tikavona warara kutikumutsa izvezvi ". Tonde "OH saka ndanga ndichirota ". Mambo "Asi warotei?" Tonde akabva arondedzera zvese zvaanga avona mu hope ..... Baba Amos "Dzinogona kuita shuwa iro book rinoti chii pa nhawu dzema giant aya ". Alice "Handina kumboriverenga regai nditarise ". Tonde "Saka hope idzi dziri kureva kuti ndapinda mu pfungwa dzema giant aya ndikatoziva zvaari kufunga uye zvaakaitwa 5 years ago ". Alice "Manje todii ?" Tonde "Handei mudunhu mawo tikwanise kutora egg tibude muno ". Alice "Asi hazviiti ka kuti tibude tisina kuvonekwa ". Tonde "MA giants aya hasi kuda kurwa ne vanhu asi ari kumanikidzwa na Mambo wavo .So isu tilavhura pane zai zvinoreva kuti dunhu rino rinobva ranaka zvekare saka ma power Ana mambo wavo anobva ayenda then hachakwanise Kuma vudza zvekuita ". Alice "Book hapana zvariri kutaura pamusoro pema giants aya so maybe Tsvimbo yehwumambo ndiwo yatibatsira kutivudza ". Mambo "Sakabtoita sei manje ?" Tonde "Tofanirwa kusvika kuna Elvis tisina kana kuvonekwa ne kuti kana tikavonekwa haa tinokuvara apa plus vanhu ava hatifanirwi kuvavuraya havafungi sesu ndokaka mambo wavo ari kuvatonga kuti vaite zvakaipa". Baba Amos "Toenda takapfeka makwati tiri zvidiki isu vanhu ava havambotivoni ". Tonde "Yaaa zano rakanaka ini ndichazora ivhu rakafanana neravo ". Alice "Manje kukunaya rinozobva ". Tonde "OK ngatiitei zvema kwati zvacho asi tinopinda 1 -1 please usaite zvinhu zvekuti tivonekwe regai nditange kuenda ini ". Tonde akabva atanga kufamba achienda kune ma giants akapfeka ma kwati achiita sedombo .Ayifamba achimira kuti asavonekwa .Ma giants ayitova busy ne moto hapana akavona kupinda kwavo vese .Vakabva vatanga kufamba vachienda mudunhu apo pavakasvika pakaita gomo ndokutanga kuvona zvese zvakanga zvichiitika mudunhu .... Mambo "Elvis ndofunga kuti ari padhuze ipapa ". Baba Amos "Chokwadi hapana kwaangaenda apa maybe ari padombo patakahwanda paya ". Tonde "OK saka handei tichifamba tichimira hatisi kuda kuvonekwa toda kuita zvinhu zvedu muchihwande .Tikabatwa it means tafa tese " . Vakabva vatanga kufamba ndokusvika pavaifungidzira kuti Elvis aripo vakawana asipo .Vakabva vatanga kupinda mukati mebako chaimo umo maigara ma giants aya .Vakabva vasvika pakati kwirirei ndokutanga kuvona Mambo wacho anogara muri vuko rwe giant mazuva ese akachengetedzwa ..... Tonde "Saka hope dzangu dzanga dziri dzechokwadi ari kuita ma giants aya ma slave ". Alice "Look Elvis uyo yakamira semudhuri apo ". Tonde"Paari apo panonetsa kusvika tiri tese regai ndiende ini imwi sarai muri pano .Kana pane zvaitika please shandisai pfungwa muite mazano ". Hapana akapikisa Tonde akabva ayenda akahwanda nemadziro. Elvis akanga akariva akatoyevedzwa ne giant zvake .Tonde akabva amubata pamafuti Elvis uya ndokuridza zi mhere rakanzwika ne vanhu vese vanga vari mubako imomo...... David "Avo vabatei ndiri kuvada vari vapenyu ". Tonde na Elvis vakabva vatanga kutiza ma giants ndokutanga kuda kubata vakomana .Vana Tonde vaitoita se mbeva kwavari .Elvis akabva abatwa ndokukandiwa kuna David Rimwe giant rakabva rabata Tsvimbo yaina Tonde tsvimbo ikabva yarirova richiwira kure .Rimwe rakada kumutsika asi Tonde akasimudza Tsvimbo giant richirohwa Gumbo richiwira uko ..... David akabva asimuka ndokubata Elvis ndokuisa banga pahuro pake..... David "Iwe ukada kuramba uchidaro ndovuraya umwe wako uyu ". Tonde akabva Amira kurwa nema giant ..... Tonde "Usavuraya munhu iyeye ndoita zvese zvaunoda ". David "Ndiri kuda kuti usiye Tsvimbo yako pasi ipapo ". Tonde akabva ayisa Tsvimbo pasi ndokuenda pa side ..... David "Right umwe ngatire tsvimbo iyo ". Tonde "Please hapana anokwanisa kubata Tsvimbo iyo kunze kwangu". David akabva ayita nharo ndokutuma rimwe giant kuti ritore Tsvimbo iyoyo .Rakabva raibata ndokuisimudza hapana zvakaitika ..... David "Uri benzi hauzivi zvauri ku........ Asati apedza kutaura kuti giant rakabva rarohwa nemagetsi ndokuisa black kunge rarohwa ne mheni .Rakabva ratanga kuita mafufu richibva rangopepereka tsvimbo ndokubva yawa pasi . David akabva asvika padhuze ne tsvimbo ..... David "OH ndiwo Tsvimbo yandakanga ndakamirira 5 years ago thanks nekundivigira kwasara book ,Giants kill them. End of episode