STORY BY MALVERN Baba Amos : ' Sekuru va Amos vanhu vanenge vaungana '. Sekuru vakabva vasimudzwa ndokuenda panze ndokugara .Munhu wese akanga aripo manheru aya ... Sekuru ; ' Ndotenda mavuya ndoda kuti munyatso terera zvisingaiti ane muvhunzo avhunze .Nhawu yangu ndichaitangira 50 years ago . 50 Years ago pakaita nhawu yandakavudzwavo nana baba vedu isu hatina kuivona .Vana baba vedu vakaenda kunoperara dunhu rinokune vanhu vanodya vanhu kwavakakupa zita re kuti Underwater uko kunogara vanhu vanodya vamwe vanhu .Hakuna akaenda akadzoka kunhu uku .Vanhu ava vanogara pasi pe mvura havadi zuva and havadi chiedza sezvo zai raenda kudai dunhu rino irima and hakucheni kana kuvira kunogara kune mhindo chete .' Baba A : ' Baba ndiri kufunga kuti vanhu vari kuda kunzwa zve zai kuti rinowanikwa kupi uye sei'. Sekuru : ' Kunowanikwa zai kunotyisa asi kune book ndiro rinoda anorapanura zvarakanyorwa kuti tizive kune book '. Mambo : : ' Book vaenda naro hatina kana zano patiri pano '. Sekuru ; ' Kana pasina book zvichatora nguva kuti zai iroro rivuye ne kuti zai iri rinoda kuti mutange mawana tsvimbo ye hwumambo '. Mambo ; ' Manje Tsvimbo yacho tinoiwana kupi ?' Sekuru ; ' Tsvimbo in owanikwa Underwater unofanirwa kutira tsvimbo ya mambo vari muvura ndiko kuti utange kufambira zai '.# Baba A : ' Iko kusina akadzoka kunhu ikoko '. Sekuru : ' Hapana zvimwe zvekuita ne kuti kutaura kudai vanhu vanogara Underwater vari kuvuya mudunhu rino kuzotora munhu wese and hapana anovamisa '. Mai Tonde ; ' Saka kana tawana tsvimbo todii ?' Sekuru ; 'Tsvimbo ndiyo first key yekuvhura bako risina ari kuziva kwariri now asi book ndiro ririkuziva '. ' Sekuru munenge musiri kuziva history ye dunhu rino imwi '. Mambo : ' Imbomirai kuvamhanyisa vataure zvavari kuziva '. Sekuru ; ' Regai ndikuvudzei chokwadi histoy ne mhiko dze dunhu rino zvinochinja .Zai parakatorwa pekutanga hapasiriepo pamunoriwana ikozvino saka panenge pane map inoratidza kuti riri kupi ', Mambo ; ' Saka it means tsvimbo ndiyo map yacho kana kuti book '. Sekuru ; ' Tangai kuwana book kana tsvimbo tigotangira ipapo '. Amos ; ' Ko zai parakambotsemuka pekutanga chii chakaitika ?' Sekuru ; ' Sezvamuri kuvona izvezvi ndizvo zvakaitika pekutanga asi kurarama kuchange kwakaoma ne kuti hondo ye marudzi iri kuvuya mudunhu rino .Muchasara muri dongo kana mukasaisa musoro pasi .Endai kunotora zai chiedze chidzoke mudunhu rino '. Mambo ; ' Sekuru munenge musiri kutaura henyu nhoroond0 asi zvisinei tinotenda nhawu tainzwa regai tiite zano rekuti vamwe vaende kunotsvaka .Vakomana vese handei padivi titaure nhawu iyi '. Sekuru : ' Asi ukadzoka uri mupenyu ndingazvitya mukasamira se varume ndiko kupera kwerudzi ikoku '. Vakomana vese ve mudunhu vakabva vasimuka ndokuenda padivi ....... Mambo : ' Vakomana this is life and death mission hatina zvekuita asi kumirira dunhu redu .Vakadzi vese vamuri kuvona ava vanotorwa isu toita varanda kana kudyiwa .Rudzi rwedu ropera asi madzitate guru edu angatsamwa .Saka varume ngatifei tichizama . Ndoda vakasungunuka kuti vavuye kumberi umwe we kutanga ndini . Vanenge vasingadi musazvimanikidze henyu '. Baba Amos vakabva vaenda mberi .Vamwe varume ne vakomana vakabva vasimuka .Machinda a Mambo se akabva ayenda mberi vanhu vakabva vati wandei asi vamwe havana kusimuka .... Mambo ; ' Ndotenda varume masimuka imwi musina kusimuka ndimwi muchasara ne vakadzi vedu kuti vasatorwa .Varue vamwe vedu vachaenda Underwater vamwe vachaenda ne mvura kusvika kwainokumira kunotsvaka zai iroro .Ini ndichaenda pasi pe mvura kunotsvaka tsvimbo .Baba Amos muchaenda ne makwande munoenda movona kuti mvura iyi iosvika kupi .Maybe kune vmwe vanhu vanogara ikoko ,noenda ne jinda rangu iri ndiro ravona munhu wacho .Vamwe fambai muchitarisa mudunhu kuti munei . Vakomana ndoviba tichavonana zvekare '. Varume vese vakabva vaenda kunovoneka mvuri dzavo ....... Baba Amos : ' Baba regai ndiende kumaziva ndadzoka ndovimba kuti ndichakuvonai zvekare '. Sekuru ; ' Mwanangu handisi kuda kukuvhundutsa asi tora juma ichi ndecherudzi uchichengetedze .' Baba Amos : 'Baba Tinotenda .Mudzamai wangu wosara zvakanaka ndovimba kuti ndichakuvona zvekare '. Mai Amos ; ' Ndinovimba kudaro '. Baba Amos ; ' Amos mwanangu mira kuchema wakura iwe .Yava nguva yekuva munhurume manje .Bvisa kutya mukati mehana yako uchengete amai vako '. Amos ; ' Zviri munzeve baba '. Mambo ; ' Amanda mwanangu ruregerero ndakakubata se zai dai uri munhurume ndava kuti chizvimiririra asi zvandava kuenda kudai ndoda kuti ujaire hupenyu hwuri kuvuya mazuva anotevera aya .Shinga usafunga kuzvivuraya kana zuva rimwe . Mambokadzi ndiri kuziva kuti makatsamwa hongu makareva asi ndamba kuvudzwa akavonekwa ne mbonje pahuma .Ndiri kukumbira ruregerero handina kukupa nguva yekubatanidza asi zvawaitaura ichokwadi .Sara urarame ndovimba kuti ndichakuvona zvekare'. Varume vese vakabva vaenda kun otora zvombo zvavo ndokupinda munjira .Manheru iyayo Tonde akabva akwira mumuti na Timoty ..... Timoty ; ' Manje nhawu yedu totaurira mumuti here ?' Tonde ; ' PTikavesa moto zvinopa kuti tivonekwe ne kukasika .Iwe ndoda kuti undivudze kuti chii charira masikati aya '. Timoty ; ' Iya ndiyo inonzi pfuti inowisa chero nzou chaiyo '. Tonde ; ' Ndine muvhunzo yakawanda kana ukasandivudza uri kuvona shumba idzo dziri kuzokudya '. Timoty ; ' Ndiri kuda kuraramavo .vhunza chese chauri kuda ndokupindura '. Tonde ; ' Ko umwe wenyu akanga achidei kudunhu redu ?' Timoy ; ' Akanga achida zai '. Tonde ; ' Vanhu imwi mune moyo here .Munoziva kuti panofa vanhu vangani here kana zai rikatorwa '. Timoty ; ' Ndakazama kuvudza mukoma vangu asi havana kuda kuterera '. Tonde ; ' Aripi mukomana vako aba zai iyeyey '. Timoty ; ' Vamuvuraya '. Tonde ; ' Tati tatanga kufa here hatisati and kana amai vangu vakafa ndini ndiri kuzokuvuraya for now ndichambokufundika .Saka book rawakabata unogona kuriveenga here ?' Timoty ; ' Kwete chirudzi ichi munhu anotochiziva ari ku guta '. Tonde ; ' Ndokuti chii ikoko kuti ku guta '. Timoty ; ' Nzwimbo ine chirungu chega chega '. Tonde ; ' Tinoenda sei ikoko '. Timoty ; ' Panoda chikepe ?' Tonde ; ' Chikepe ! ndochii ichocho ?' Timoty ; ' O God ndoda chinhu chinokwanisa kufamba muvhura .' Tonde ; ' Ok gwande toriwana mangwana makuseni toendako '. Vakabva varara zvavo vakomana . Kwava kuda kuedza Tonde akabva amutsa Timoty .... Timoty ; ' Aaaa vusiku hwakadai kwete '. Tonde ; 'Unoda kuchene uri iwe wakaba zai '. Ne hope dzake Timoty akabva aburuka mumuti ndokutanga kuenda kurwizi . Vana Baba Amoa vakanga vari kumasure chaiko nekusvika parwizi . Tonde akabva asiya Timoty parwizi .... Tonde ; ' Rega nditore gwande racho tiende '. Timoty ; ' Olk ndenge ndakakumirira .' Tonde akabva apinda musango ndokutsvaka gwande .Timoty paakavona Tonde achivuya akasenga gwande akabva atanga kutaura .... Timoty ; ' Hell no unoenda wega chikepe chinosvika rinhi ichechi '. Tonde ; ' Kana usingadi kuenda sara asi vanhu vari kuvuya avo havasi kuzokusiya uri mupenyu '. Timoty ; ' Ok handina choice rega ndingopinda asi hakuna chikepe chakadai '. Tonde na Timoty vakabva vapinda mumvura ndokuenda ku guta ne book .Baba Amos vakasara vosvika vanhu vatoenda kare ... Jinda : ' Pari kuratidza kuti pane vanhu vaviri vachangobva pano '. Baba mos ; ' Handifungi angava ani '. Vakabva vapinda mumvura ndokuenda .. ... Mambo ; ' Machinda tinenge tava kusvika patakanzi hatifanirwi kusvika saka zvatoita pano ngatipesanei kana pane chaitika ridza mhere tinovuya '. Vakomana vakabva vaparadzana ndokutanga kufamba .Sezvo pakanga pasina anoziva panogara vanhu ava vanhu vaingofamba murima .Umwe murume akabva amira ... ; 'Ndiri kunzwa kufamba kwe vanhu '. Umwe achida kupindura akabva anzwa arohwa ne banga mudunhu .Umwe achiridza mhere akabva achekwa musoro .Mambo ne vamwe vakabva vasvika ndokuwana vanhu hakuchina vari kungovona ropa chete .... ; ' Zvinorevi izvi ?' Mambo ; ' Zvinoreva kuti vatodyiwa and takomberedzwa '. Vari pakati pekutaura mambo vakabva vaona vanhu vachubudikia kubva pasi vamwe vachibva mumuti . Vakomana vakanga vakombwa ..... ; Toita sei mambo honai tatodyiwa '. Mambo ; ' Handisi kuda kurwa navo ne kuti vanozovuya vakawanda .Saka zvatava kuita kandai mapfumo pasi kuti vazive kuti hatisi kuda kurwa navo '. Vakabva vakanda mapfumo pasi .Vachingokanda umwe ne umwe akabva abaiwa kuti afende .Vanhu vaya vakabva vavasimudza ndokuenda navo pasi pe mvura ..... End of episode