EPIDOSE 38 STORY BY MALVERN NDLOVU BROKEN PROMISE TIME ..... Mambo vakaita kunge hapana chavanzwa vakaramba vari busy kufambisa chikepe zvavo . Ipapo vakanga vava kuda kusvika ku guta asi pakanga pane pakamufambo chaiwo . Pasina nguva vakomana vari mudumbu re hove ,vakabva vaona hove yavhura muromo iri panoperera mvura . Timoty ne kutya ndiye akatanga kubuda vamwe vese vachitevera ..... Ipapo vakanga vasvika ku dunhu ravo asi ku dunhu uku kwakanga kusina zuva kune makore chete.Tonde akabva atenda kune hove iya ipapo yakabva yadzokera zvavo ana Tonde ndokumira kuti vataure ...... Tonde 'Then what manje Elvis ?' Elvis 'Hapana chakachinja apa masiya gold rangu richienda saka zai nderangu .' Tonde 'Hapana kuipa tokupa asi tovimba kuti vanhu vedu vapenyu '. Ipapo sekuru vakada kutambidza Elvis zai asi Elvis akabva ariramba ..... Alice 'Tora zai Elvis hapana anokumisa'. Elvis 'Kwete pane umwe munhu akandivudza kuti kana usina pfungwa chiitavo moyo .Mashoko akandibata pandakavudziwa na Alce nakashaya rekutaura .Zvakandidzimba moyo pandakanzwa Alice achiti vanhu vangani vakafa after pabiwa zai iri .Mashoko andakarara ndichifunga ne zvawo . Ruregerero Timoty ne kuvuraya mukoma vako handizivi kuti ndingaita chii kuti ndivadzose asi chese chaunoda ndinoita '. Timoty ' Parizvino handina comment sezvo zvinhu zvakamira kushata . Asi kana dunhu re vanhu rikanaka haaa ndichafunga zvakanaka ne kuti mukoma vangu vakafira izvi '. Elvis 'Hapana kuipa ini ne team yangu ndichamira nemwi kana muchida team yakawanda ndinofonera vamwe vavuye '. Tonde 'Tinotenda chose asi zva manje manje handei kunovona kuti chii chiri kuitika mu dunhu then tizotanga kutaura mavonero edu kuti todii '. Alice 'Ichokwadi ne kuti panguva pachavonekwa kuti zai riya ndere fake zvokwadi David anovuya saka ipapo ngatimukei '. Baba Amos vakabva vabata hwamanda ndokutanga kuridza .Ipapo munhu wese akanga akavarairwa mudunhu akabva asimuka vakaterera kuri kubva hwamanda ..... Tana 'Vana Tonde vavuya '. Amos '. Zvatanga '. Tana 'Zviyi manje iko kuri kunaka kwedunhu '. Amos ' Ndoshuva dai chiri chokwadi ,wangu isu ngatizobudikira tambovona '. Tana 'Ini handipikisi zviri kuita kunge hausi iwe uri kutaura '. Amos 'Ummm chinzwa manje .' Ngoni ' Ndiri kuda vakomana 4 tiende kunogamuchira vanhu vakuvuya ava '. Seu ' Asi Ngoni zvimwe unombotanga wafunga ko nhasi why usingadi kufunga '. Ngoni ' Ukureva chii ?' Seu 'Vangani vanhu vakafa ne nhawu ye hwamanda iyi '. Ngoni 'Yaaa taura hako saka regai ndiiridze hwamanda kuti vazive kuti hatisi kuvuya '. Ipapo Ngoni akabva abata hwamanda ndokutanga kuriza .Vana Tonde vakabva vanzwa kuti vanhu vari mugomo vakabva vatanga kuridza hwamanda vachienda ikoko ..... Baba Amos 'Ko vabvirei pavakanga vari ?' Tonde 'Zvakawanda zvinoitika handei tinovona kuti vapenyu here '. Vakabva vakwira gomo ndokusvika pakanga panana Ngoni ,ipapo vakawana vana Ngoni nana Sue vakabata zvambo vakamirira kuti vakomana vabudikire . Vakomana pavakabudikira vakarohwa ne hama vachivona vanhu vakasiyana vakabatana .,vakabva vamira vese vachishaya kuti zviri kurevei .... Tonde ' So wavuya ne team yako kuti uzoparadza dunhu redu tese here Ngoni ?' Ngoni ' Hazvisiriizvo zvauri kufunga Tonde munhu anochinja '. Baba Amos ' Oh munhu anochinja after wavuraya umwe wedu here ?' Ngoni ' Varume nguva iri kuenda honai kwakuda kuvira tadii tagara pasi tataura nhawu iyi '. Alice 'Kana uchifunga kuti tsvimbo ne zai tiri kukupa kwete '. Ngoni 'Oh mavuya ne zai magona '. Tonde 'Kana uchida kuti tigare pasi taura nhawu yako kuti chii chiri kuitika pano ?' Ngoni ' Ok pano we are family tiri same thing so zvakuda kutaurirana manje .Vanhu va Elvis vakawanda vakadyiwa na Seu asi vamwe varipi .Seu ari kuda tsvimbo yake isu tiri kuda zai redu then Elvis akudzokera asina chinhu '. Elvis 'Hapana kuipa ndinozvitambira '. Ngoni 'Mamuiteyi munhu uu ndakanzwa kuti ane nharo kwake ku dunhu ' Elvis 'Munhu anochinja sekutaura kwako '. Ngoni 'Ndini ndega ndozvikwanisa kuzvitenda .So varume pano tinogarisana anoda hondo torwa naye isu tese '. Tonde 'Hondo iri kuvuya saka vuyayi mese mugare apa titaure kuti The Egg of life todii nharo . Ngoni 'Ok hapana kuipa regai tivunganidze huni '. Varume vakabva vaenda kunosenga matanda ekuvesa .Ipapo vana Tonde vakabva vaenda kunovona hama dzavo ..... Tariro ' Baba maita mavuya zvandiri kuvona ndakarara ndiri kutya '. Sekuru Tembo 'Uri kuvonei mwanangu ?' Tariro 'Ndikuvona gore dema richinaya ropa baba '. Sekuru Tembo 'Usatya mwanangu tavuya kuzopedza nhawu yacho '. Tonde 'Amai tava pedo nemagumo manje '. Mai Tonde ' Hongu mwanangu asi kana zvava kuda kupera tosangana ne miyedzo yakawanda '. Vari pakati pekutaura Amanda akabva atanga kudanidzira ..... Amanda 'Ko baba vangu varipi,ndati ko baba vangu varipi ?' Alice ' Vari munzira kuvuya vachasvika zvavo '. Amanda 'Ie mira kundipindura ndikuda baba vangu pano '. Tonde 'Pakufamba pane kupesana usatya baba vako vari kuvuya asi vatora nzira iri kure'. Amanda 'Nhema dzako wavuraya baba vangu kuti udzoke mudunhu '. Tsitsi ' Amanda kani '. Tonde 'Musiye Tsitsi apedze shungu dzake kana apedza ndoda kuti andivudze kuti ripi dunhu raari kureva chairo .Ukufunga kuti kutamba kuno ,uri mwana rudzii anomaka munhu asina basa newe .Zvese zvandakaita kuti dunhu rino rinake nhasi wakundivudza kuti ndakavuraya baba vako ndopenga .I'm done sarai muchita zvinhu zvenyu mega handi ndakadzingwa mudongo rino here '. Amanda akashaya re murumo akabva anyarara kuti zii .Vanhu vese ve mudunhu vakabva vanyarara ne kunyara mashoko akanga ataurwa na Amanda . Tonde akabva atanga kufamba achienda hake ..... End of episode