Story by Malvern Ndlovu #Adventure Mangwana kuseni moto wakanga wanyarara mudunhu Makati ziii musina kana sound yainzwika .Vanhu vaitova vakatorara vakamirira kuti kunyatso chena .Hwamanda yakabva yaridzwa kune rimwe side ...... Munhu wese akabva ayinzwa kusanganisira Nana Elvis .Munhu wese akamuka ndokuterera kuri kubva ne sound iya .Baba Amos ne vamwe vavo vakabva vamuka ndokutora museve dzavo ..... Alice "Ko matakura zvombo kwakanaka here ?" Baba Amos "Hongu kwakanaka hwamhanda iri kurira iyo inoreva kuti pane umwe wedu ari ikoko ari kuda rubatsiro". Alice "Regai tiende tese ". Baba Amos "Kwete hatizivi zviriko iwe sara unitarian kuti mwana wangu ariko here na sekuru vake ". Alice "Ndichaita sekudaro mufambe zvakanaka ". Baba Amos ne vamwe vakomana vaviri vakabva vatanga kumhanya vachienda kwakanga kune sound ye hwamhanda ...... Elvis "Ko sound iri kuda nepa side pedu ndeyeyi iyi ?" James "Vanenge vari kudana vamwe vavo ". Elvis 'Saka ngatiende ikoko titovabata '. James "Kwete hatingaisi hupenyu hwedu munjodzi it's a trap yavari kuda kutiita iyi". Elvis "Uri kuda book kana kuti uri kutoda zvekutamba hako ?" James "Book ndiri kurida asi izvi tinobatwa nyore ". Elvis "Boys torai ma weapons tiri kuenda kune sound iyo .Iwe sara hako asi ndikariwana book usipo forget about it handisi kuzokupa ". James "Haaaaa choice ndoyandisina OK kwacho handei ". Vakabva vatakura ma weapons avo ndokuenda kwakanaga kuchibva ne sound ..... Mambo "Tonde imbomira kuridza pane zvandanzwa ". Tonde "Manje ndikamira havozivi kuti ndiri pano ". Sekuru Tembo "Takombewa kare ". Tonde "Mazvinzwa sei ?" Sekuru Tembo "Mhepo inondivudza ". Vari busy kutaura kudaro vakabva vaona vanhu vakabata pfuti vakava komba.Mambo vakada kubudisa museve Tonde akabva avabata ..... Tonde "Kwete ingosimudzai mavoko chete ". Elvis "Wow wow after mandarumisa ne mako mava kuwanikwa zviri nyore kudai ". Tonde "Muri kudei ?" Elvis "Wow good question. Ndiri munhu anonzi Tonde ne tsvimbo yawakabata iyoyo ". Tonde "Kwete izvozvo hazvisi kuzoitika nhasi ". Elvis "Hoo rega James asvike ugovona .James ko hausviki nei ?" Man 1"Sir James asara uyu ?" Elvis "OK saka iwe ndoda kuti undivided kuti Tonde aripi ?" Mambo "Ari kuti chii Tonde ?" Tonde "Arikuda tsvimbo iyi ." Vari busy kutaura Elvis akabva anzwa Baba Amos vachitaura ne vamwe vake .Elvis akabva angoramba akangomira kusvika Baba Amos vangobudikira ndokutowana vanhu vakatokombewa ne pfuti .Umwe mukomana akanga ana Baba Amos akabva ada kuita nharo ndokubudisa banga .Elvis akabva amurova musoro achifira ipapo .Tariro akabva atanga kuchema ne kutya ....... Alice "Pane pfuti yarira uko Timoty enda ne vakomana unotarisa kuti chii chiri kuitika" . Timoty akabva atora vakomana 5 ndokutora museve ndokupinda musango ....... Elvis "Right handisi kutamba pano ndoda kuti mundivudze kuti Tonde ndiani ?" James "Uyu akabata Tsvimbo yehwumambo ndiye Tonde wacho ". Elvis "Ko iwe wanga wasara kupi ?" James "Ndanga ndiri kumasure ndichifamba hangu ". Elvis "Right Tonde waida kundivuraya ka?" Tonde "Hongu ". Elvis "Nei waida kundivuraya ?" Tonde "James ndiye akadaro ". James "Aa ndokuzivirepi ini nei uchinyepa mwana iwe ". Tonde "Ko zvawangobudikira apo uchinongeta ini wakandizivirepi ?" Elvis "Enough tora Tsvimbo yehwumambo iyo ndivuraye imbwa iyi ". Umwe mukomana akabva asvika achibvuta Tsvimbo iya ndokubva atanga kungopera kuita ivhu. Elvis akabva anongedza pfuti yake kuna Tonde ...... Tonde "Ukandivuraya zvinoreva kuti Tsvimbo yehwumambo hapana achazoibata futi .Saka ndoda kuti unyatsofunga usati wandivuraya ". James "Ichokwadi chaari kutaura ndambozvinzwa so it means legend is true wow this is my adventure " Elvis "Manje toita sei naye kuti tiwane Egg racho ?" James "He will lead the way ". Tonde "Kwete handisi kuzoita izvozvo ". Elvis "Don't say again kana uchizoda kuvona hama dzako zvakare .hande tungamira tiende kune zai ". James "Tsvimbo isina book haishandi saka panoda book kuti tiwane way yekuenda kune zai ". Elvis "Wakazviwanepi zvese izvozvo ?" James "Ndakamboverenga book rake saka zvakawanda ndoziva ". Elvis "Saka Tonde tungamira kune book tivone ". Tonde "Handizivi kune book ini ndiri kutobva pasi pe mvura ". Elvis "Ukuita sekutamba iwe ndomuvuraya musikana uyu ". Sekuru Tembo "Ndokumbiravo musavuraya mwana wangu ". Baba Amos "Ndoziva kune book asi ndokumbiravo musavuraya munhu ". Tonde "Baba Amos kwete ". Baba Amos "Sorry Tonde hapana zvekuzviita ". Mambo"Yaaa ichokwadi hatisi kukusvora Baba Amos ". Baba Amos vakabva vasimuka ndokuridza hwamanda inonzwikwa dunhu rese ..... Timoty "Alice terera uri kunzwa zvandiri kunzwa here ?" Alice "Yaaaa ndiri kunzwa sound asi iyi yakasiyana ". Timoty "Wadii kuvhunza vanhu ava maybe vanoziva ". Alice "Hello pane ari kunzwa here sound iri kubva ne uku ?" Mambokadzi 'Hongu ndiri kuzvinzwa " . Alice "Asi iyi yakasiyana ne yekutanga .manje iyi sound iri kureva kuti chii ?" Mambokadzi "Iri kureva kuti munhu wese ngavuye ikoko ". Alice "So zvinoreva kuti Tsvimbo yehwumambo yawanikwa ". Mambokadzi "Munhu wese hande kuri kurira hwamanda iyo izvezvi ". Vanhu vese vakabva vasikuka ndokutakura zvinhu zvavo ndokutanga kuenda kwakanga kuchibva sound iya ...... Elvis "Zvatichaita isu ndeizvi tichahwanda any move tiri kufura saka toda vanhu vese vaungane pano then towana ane book kana tadaro motungamira kune zai zvapera". James "Ko zvamakati moda kuzovuraya Tonde ". Elvis "Yaaa ndanga ndasiirira after this Tonde neni tine nyaya". Elvis ne vamwe vake vakabva vahwanda vanzwa vanhu vakanga vachisvika.Dunhu rese rakasvika pakanga panana Tonde na Mambo .Amanda paakavona Baba vake akabva amhanya ndokuvambundikira .Amai Tonde vakanga vasingachagoni nekuchema .Tonde akanga akangomira patsvimbo imwe chete misodzi ichingoyerera ....... Mukomana ayitya kuti akangofamba nhano imwe chete vanomuvuraya .Amai Tonde vakabva vangonyumwa ndokuita kunge hapana hapana ..... Alice "Ndiyo Tsvimbo yehwumambo here iyi ?" Elvis "Yes ndiyo chaiwo ". Vanhu vakabvunduka ndokubudisa mabanga ..... Mambo "Dzoserai zvombo zvenyu nhawu iri pano yakakurisa ". Elvis "Maita henyu mavuya mese boys vatarisei kuti hapana ane book here ". Vakomana vakatarisa munhu ne munhu asi book harina kuwanikwa ........ Elvis "Book riripi ?" Timoty "Alice vape book ". Elvis "OH Alice ndiwe une book ndokumbiravo kuti undipe please ". Alice Hazvisi kuzoitika izvozvo" . Elvis akabva abudisa pfuti ndokuenda pane umwe mukomana we mudunhu iri ndokumunongedzera pfuti ....... Elvis "Ndava kuvhunza kwekupedzisira Alice book riripi?" Alice "Handisi kuziva ini rarasika pandakanga ndichitiza moto" . Elvis akabva afura mukomana uya ne pfuti ndokubva afira ipapo ......... End of episode