#Adventure Book : Monday to Friday only Timothy " Saka kana zviri zvamangwana hande kunotora weapon raunoda". Vakabva vapinda mu mota vakananga kunotora ma weapon.Baba Amos ne vamwe vavo vakanga vava pakati pe guta manje vasingatozivi zvanga zvichiitika .... Jinda "Ini ndiri kunzwa nzara varume tarisai chikafu chese ichi ". Baba Amos "Taura hako hatingambofi ne nyota makumbo ari muvhura ngatipindei tidye ". Vakomana vakabva vapinda mu supermarket ndokutanga kudya zvavaivona .Zvino vakanga vaguta manje .... Baba Amos "Vakomana nzira ndiyeyi handei mberi ne rwendo rwedu". Vakabva vasimuka ndokuda kubuda pa shop security akabva amira mberi kwavo ". Security " Did you pay ". Vakomana vakabva vatarisana ndokutanga kuseka vachimusundira pa side .Security akabva abudisa pfuti ndokuvatendeka .... Security "Hey stay where you are ". Vakomana vakanga vachingoseka sezvo vakanga vasinganzwisisi chirudzi. Security akabva afonera back up ndokushudha mudenga .Baba Amos ne team ravo vakabva vati chitsoka ndibereke vachitiza sound yavakanga vanzwa . Umwe ne umwe akaenda ne kwake ..... .Baba Amos vaingomhanya chero ma robots akaita red vaingo pfuura . Timothy akabva avona robot rakaita green kuti apinde hana kumisa mota akabva asangana na Baba Amos pakati .Baba Amos vakarohwa ndokuwira kure .Murume akamuka achimhanya zvakashamisa vanhi .Tonde na Timothy vakasara kubuda mumota munhu akanga ayenda kare havana kukwanisa kuvona kuti ndiani .Mota dze mapurisa dzaimhanya kuti dzibate vamwe vakomana .... Vakomana vakazama kuda kumhanya asi guta rakanga rine mapurisa akawanda uye vanhu vaivavhiringa kumhanya . Vakomana 5 vakabatwa kwakanga kwasara Baba Amos chete avo vasina kuvonekwa kuti vakanga vaenda kupi . Vakomana vakabva vatorwa ndokuendwa navo kuchitokisi ipapo zuva rakanga rorova nhongonya ...... Amanda " Kuti baba vangu vachadzoka ipapa ". Mambokadzi "Dzangova ngano dza tsuro na gudo idzi vanodzoka rinhi ivava kwavaenda handifungi kudaro ini ". Amanda "Saka baba havachisiri ivo Mambo here ?" Mambokadzi "Hongu hwumambo hwuri kuenda kune rimwe rudzi baba vako vakazvikonewa ". Amanda "Manje hwunoenda kunani manje ?" Mambokadzi "Kune uyo anenge akwanisa kunotora zai racho". Amanda "Manje ini ndakutonzwa nzara ". Mambokadzi "Machinda ayenda kunotsvaka chekudya ndovimba kuti vachavuya nazvo ". Amanda akabva agara pasi akabata shaya .Shamwari yake Tsitsi haina kuda kutaura naye sezvo vakanga vakambokonana mazuva apfuura . Vanhu vakanga vakangogara mudunhu vakamirira vamwe vakomana vakanga vaenda kunotsvaka chekudya .Amos akabva angobuda pasina akaziva kuti abuda ...... Zuva rava kundovira Tonde akabva asvika kwayienda na Timothy vakabva vapinda mumba ...... Timothy "Ini handisi kuziva kuti iwewe uri kuda kushandisa mhando rudzii apa tora nguva yako yekushara ". Tonde akabva atanga kutsvaka weapon raabokwanisa kubata .Akavona zvakawanda zvekurwa nazvo asi akasarudza museve ..... Timothy "No way ukufunga kuti uri snapper we museve ". Tonde "Ndiri muvhimi ndajaira kushandisa museve kwete pfumo kana banga. " Timothy "Manje kuno kune pfuti inowisa wavakanda .Dai watotora hako museve we chirungu uyu pane wako uyu ". Tonde "Uyu wandinawo ne uyo wenyu wakasiyana payi ?" Timothy "Wako uri slow uyo uri fast chero munhu hakwanisi kunzwenga ". Tonde "Zvoenderana ne munhu. wangu uyu hapana anotiza uye ndoutemba ." Sezvo vakanga vabuda zvishoma muguta vakabva vapinda mumota ndokudzokera ku hotel.... Manheru akanga asvika manje vanhu vakanga vachiita noise vakamirira kuti munhu arwe. Ma guards akabva apinda makanga muna Mambo ne vamwe vavo !vakabva vatorwa ndokuendewa navo ku ring .... Seu " Welcome now tiri kukupa vanhu 3 vekurwa navo kana ukavakunda tichakupa chigaro ." Ngoni akabva apinda mu ring . Varume vatatu vakanga vari vatete vakabva vapinda mu ring vakabata mabanga chete .... Seu " Unofanirwa kuvavuraya vese kana kuti iwe unofa .Saka sarudza zvauri kuda ". Mambo "Ngoni no rega kurwa navo iwe ". Ngoni "Makanzwa zvakataura Sekuru Tembo kana ukasarwa haurarami muno ini ndava kuitira divi rangu ko imwi muchadii ?" Ngoni akabva abudisa ka banga kake ka diki vanhu ndokuseka sezvo vamwe vakanga vane mapanga ma honde . Mukomana wekutanga akabva amhanyira kuna Ngoni achibva ada kubaya Ngoni .Ngoni akabva akotama zvishoma achiriva mukomana ne banga raruvoko .Ngoni akabva ayiswa bakati ndokutanga kumurova vese .Zino ropa rakanga razara kumusana wese mukomana asingachagoni .Ngoni akasimuka ne hasha ndokutanga kucheka cheka wese awabata ndokubva vakomana vawira pasi .Vanhu vakashamisika ne simba rakanga rina Ngoni ..... Seu " Wagona sezvo ndavona kuti unogona kurwa nhasi vuya udye neni tichitaura hedu ". Ngoni akabva ayenda na Seu ! Mambo ne vamwe vavo vakabva vadzoserwa kwavaigara... Manheru e zuva iroro vanhu vakatogara mudunhu .Machinda akanga ayenda kunovima akadzoka asina kubata kana mvuka imwe zvayo .Mvura chete ndiyo yavakakwanisa kuvuya nayo ..... Amanda " Amai ini ndava kuziya ". Mambokadzi "Zvino ndodii mwanangu iwe wavona machinda achienda kunotsvaka chekudya achishaya manje ini ndochiwana kupi ?" Amanda "Aaa manje kusvika rinhi takangogara pano isu tisina zano ". Mambokadzi "Togara pano kusvika baba vako vadzoka . Dunhu rino nderedu saka hakuna kwatinoenda .... Mai Amos "Pane munhu ari kuvuya tererai munzwe ". Vanhu vese vakabva vanyarara ndokunzwa mashisha achizungunuka .Machinda akabva avumba around ndokubata mapfumo .Vanhu vakabva vaona munhu akabata simuka akariisa pamafudzi .Sezvo kwakanga kune mhindo vakamirira kuti asvike pedo .Munhu uya akabva asvika pedo ne moto ndokukanda Zimhembwe pasi .... Mai Amos "Aaa Amos mwanangu uri kubva kupi uye wabuda nguvai pano ?" Amos "Izvozvo hazvichisina basa amai ndavuya nacho chikafu ngatidyei ". Vachinda akabva atora mabanga ndokutanga kuvhiya mhuka iya .Vakadzi vakabva vatanga kubika sadza ravo rezviyo . Vapedza vanhu vakatanga kutaura nyaya vari pamwechete .... Mambokadzi "Saka iwe Amos wakatanga rinhi kugona kuvhima ?" Amos "Ini handigoni kuvhima asi Tonde ndiye akandidzidzisa". Amanda akabva akosora paakanzwa zita re kuti Tonde .Amai vake vakamupa mvura vachifunga kuti aresva kumedza asi Tsitsi akaziva nhawu yese ". Jinda "Inga akaita hake Tonde akakudzidza kuvhima ndoshuva dai ari mupenyu atotibetsera panguva ino ". Mai Tonde "Ndokumbiravo kuti dai tasiya nhawu ya Tonde . Izvezvi tiri kudya kudai Mambo ne vamwe vari kudii ?" Mambokadzi "Seni handisi kutoziva kuti vachavuya naro here zai iroro ". Mai Amos "Ini sekunzwa kwangu vanogona kuvuya asi chekudya manje ndopasina and mhuka dzasara dzakangwarisa dzoda muvhimi chaiye ". Jinda "Manje zai richavuya rinhi uye nani ?" Sekuru " Vazukuru tine rwendo apa panoda kushinga kwe mazuva chete .Ndarivona zai ravuya asi munhu avuya naro handina kuvona kuti ndiani asi ndavona kuti ndewe chidiki ". Jinda "Angava ani manje nekuti vanhu vese vakaenda vahombe ?" Sekuru "Hope dzangu hadzinyepi regai tigovona kuti achava ani ". Vanhu vakabva vaenderera mberi ne kutaura zvavo nyaya . Manheru e zuva iroro Baba Amos vaitofamba munzira ndokubva vangowa pakati pe road ndokuvata ipapo .... Police "Sir I tried to talk with this people but vakuratidza kuti havasi kunzwa zvatiri kutaura ". Manager " How come asi vanobva kune imwe nyika ?" Police " Ipapo handisi kuziva hangu but havana kana ID even ma fingerprint hasi kubuda ". Manager "Saka vakabvepi vanhu ava ?" Police "Handisi kuziva ". Manager "Saka uri kufunga kudii navo ?" Police "You're the manager takamirira kunzwa kubva kwamuri ". Manager "OK vapei chikafu mangwana ndichavuya ne plan ". Police "OK sir ". Vakabva vatengerwa chikafu ndokupihwa . Manheru e zuva iroro zvekare James akabva kubasa late ndokuenda kumba kwake .Akawana mukadzi akagara ne mwana wake vachitovona TV .James akasvika ndokugeza zvake ndokudya..... James's Wife "Bae what about rent remember last month hatina kubhadhara ?" James "I know bae but for now handina kana plan kubasa boss akungotaura zvake ". James's Wife "It's better ndiende kwa mhamha vangu then ndozodzoka kana zvinhu zvanaka ". James "Are you divorcing me ?" James Wife "No ndiri kuti ini ndikaenda kumba ne mwana iwe wosara wotsvaka kana ka 1 room kusvika zvinhu zvazoita ". James "OK I understand ". Mukadzi wa James akabva ayenda kunorara James akasara ega akagara zvake achifunga nhamo dzake .Akabva atanga kufungira mumoyo..... James " Eshii we can I get the money . Ndodiniko ndiwane kana mari ye rent .Timothy kuti angandipa but anoiwana kupi manje .Yoo zvandoita kunge ndopenga kudai ! Rega nditore laptop yangu nditsvake rimwe basa ". James akabva asimuka ndokutora bag rake rekubasa ndokutsvaka laptop .Akabva abudisa book ra Tonde ndokubva aribata ndokufunga ruviri rutatu .James akabva abata phone ndokuisa message kune old friend yake ..... James 📩 Hie ndiri kuda 100 Million ndine book rawaida riya". James akabva amirira minduro asi manheru aya haina kupinda ......... End of Episode