EPISODE 36 STORY BY MALVERN NDLOVU Broken promise time '. Ngoni ' Saka iwe munhu wa Elvis ukutii ne nhawu iyi ?' Man 1 ' Ini sekuvona kwangu zano renyu rakanaka ini ndinotora side randinovona kuti iri rakanaka chete '. Ngoni ' Kana zvakadaro zvakarongeka so vanhu venyu vakavuya kubva uko vachida hondo tiri kuzovarwisa pamwe chete kusvika tagadzirisa nhawu iyi '. Seu 'Haa nhawu yenyu yakutobhowa ndiri kunzwa nzara ini '. Ngoni 'Kwete nhasi hapana munhu akudyiwa pano ,uchatodya mupunga ne zvabika uko '. Man 1 'Kana kudya mazi giant aya '. Sue ' Never zviri nani ndidye hangu zvamuchadya '. Ngoni 'Saka handei hedu kune vamwe '. Yakanga yava 1 family ipapo,Asi vamwe vakanga vachingotya kugara pa side pe vnhu ve pasi pe mvura ..... Tsitsi 'Nhayi Amanda ndeipi yaunenge uchiita nhaiwe ?' Amanda 'Ukutaura nhawu yeyi nhayi sahwira '. Tsitsi ' Nhawu yako yekusvora iyoyo '. Amana 'Kwete ndanga ndisingasvori asi ndanga ndichitoshamisikavo tarisa zera racho '. Tsitsi 'Chero zvakadaro asi usadaro '. Amanda 'Sahwira kani mira kutsamwa mukomana wako akudzoka manje manje .Hasha dzako ndedzekunonokerwa na Tonde chete '. Tsitsi 'Chirega kudaro kani ndinozoita manyemwe manje '. Vakabva vatanga vazvo kutaura nyaya dzavo vachidya zvavo ipapo vanhu vese vakabva vavata asi ana Tana na Amos vakanga vakatodziya moto mu bako .... Tana ' Dai wavata sahwia '. Amos 'Hope dziri kutadza kuvuya ,ona mufiro waita dunhu redu kana mhuka iri kuchema tarisa chero rima racho '. Tana 'Zvinonaka izvi hapana chisingaperi '. Amos 'Mangwana ngatidzokere kune vamwe vedu vava kuwirirana manje '. Tana 'Kwete moto wemanjanga uyu ,vanopandukirana vanhu ava '. Amos 'Saka togara pano kusvika rinhi ?' Tana 'Kusvika vana Tonde vadzoka ne kuti tikaenda izvezvi hatichakwanisi kurova imbwa takaviga mupunyu '. Amos 'Ichokwadi rega ndirare '. Mangwana makuseni zuva guru rekuenda ne The egg of life rakanga rasvika manje .Sezvo vanhu vese vakanga vakavata mu same place vakabva vamutsana ipapo gumbo ra Tonde rakanga razvimba manje zvisingaiti .... David 'Todii manje ne kuti yava nguva yekuenda '. Baba Amos 'Musawara tomusimudza toenda naye hedu '. Tonde 'Handei neni kunotora tsvimbo yangu '. Baba Amos nekunzwa tsitsi vakabva vatakura Tonde ndokutanga kudzika naye .Ipapo Alice na Mamo vakabva vatevera . Tonde akabva asika ndokuiswa pamberi pe tsvimbo .Akangoti achiibata pakabva paita kunge pane mheni yamurova pakabva pabuda chivutsi .... Izvi zvinhu zvakashamisa vamwe,Vutsi hwakabva hwatanga kupera zvishoma ne zvishoma .Alice akati achitarisa ndokuvona Tonde akatomira apa gumbo rake ranga rapora pasina kana vanga ..... Alice 'Wow chii chaitika apa ?' Tonde 'Chero neni handisi kutoziva ini '. Baba Amos 'I think tsvimbo yakurapa iyi '. Vanhu vese vakanga vari umu vakabva vatanga kufara vachipanana havo ma hug .Vakabva vadzokera kumusoro kwakanga kun zai vana James vakashamisikao ne zvakanga zvaitika izvi ..... Tonde 'Right nguva yekuenda ya kwana David bvida mhiko dzako mu dunhu rino '. David 'Hapana kuipa chikwama ichi ndicho chine zvese saka handei hedu ku vhura ndiitezvinhu zvangu '. David akabva abata zai ndokutanga kufamba .Ma giants akabva atanga kuteveravo ... David 'Kwete imwi sarai muite zvese zvamuri kuda henyu '. Izvi zvakafadza ma giants zvisingaiti . Vakabva vabuda mudunhu ipapo David akabva abudia mabonzo e musoro we giant ne pfungwa dzacho .Ipapo akabva atanga kutaura chimwe chirudzi achisungunura pfungwa dze ginat . Ipapo ayisungunura ma giants ese . Sound yakanga ichityisa yakabva yatanga kubuda pasi ..... Ipapo dunhu rema ginats rakabva ratanga kumera muchero ipapo mvura yakabva yatomira kunaya . Izvi zvakafadza ma ginats zvisingaiti . David akabva apotsera pfungwa dziya mumvura zvese nema bonzo acho ..... David ' Right zvamakanga muchida zvaitika '. Alice ' Saka Tonde zai renyu rikaiswa patsvimbo dunhu renyu rinobva radai here ?' Tonde 'Hongu saka handei sezvo achiri makuseni '. David 'Chikepe ndeichi varume pindai tiende '. James 'Hakuna ari kuenda '. Ipapo James akanga akadzipa huro ya David .... James 'Wese angoswedera ndiri kuvuraya .Alice kurumidza kukanda book '. Alice akabva aramba ne book .Ipapo James akabva arova gumbo ra David ne pfuti .... David 'Handisi kutamba ini kurumidza kundipa book now '. Tonde ' Mupe Alice hazvina basa '. Alice akabva atambanudza mavoko ake achipa James book .... James 'Right hapana wandiri kuda kuvona achindivera .Elvis kanda gold rako pano '. Elvis akabva akanda bag rake re gold ndokupa James . Ipapo James akanga ava kusimudza chikepe ... Mambo ' Regai ndivuye newevo hangu ndoita zvese zvaunoda '. James 'Hapana kuipa pinda '. Tonde 'Mambo ko mava kudii manje ?' Mambo ' Sorry ndofamba ne winning team '. Baba Amos 'Tichakumisai chete .' Mambo 'Mukurumidze chaiko '. Ipapo chikepe chakabva chasimudzwa ndokuenda .Zvino vana Alice nana Tonde vakanga vangomira vachisina kana zvekuita .Kuti vadzokere kuma giants vaitya kutanga imwe hondo ...... Timoty 'Tonde what now '. Tonde 'Usawara zuro manheru takavata .Baba Amos vakavuya kwandiri ndokundivudza nhawu yese yakataurwa na David na James wavo .So ini ndakabva ndavudzavo Alice na sekuru kuti ndizvo zviri kuitika .Ipapo sekuru vakabva vandipa zano saka zvese zvaitika nhasi tanga tichizviziva '. Timoty 'Manje zai raenda ka '. Tonde 'Zai riripo iri .iro rina sekuru '. Timoty 'Saka chii chamavapa ?' Alice 'Tavapa rinonzi fake Egg ,last time takavapa fake book asi zvinovoneka .Asi ndakazovrenga book ndikarinzwisisa kana uchida ku creator fake chinhu unofanirwa kuvapa original book '. Timoty 'Ok so mavapa original book ne fake Egg ?' Alice 'Ehe so havambofi vakazvivona '. Timoty 'Manje muchadii ne book ?' Tonde 'Vachavuya naro kudunhu pavachavona kuti zai e fake ipapo vachawana takavamirira '. Elvis ' Plan yenyu yakanaka zvisingaiti .Manje todii kuti tiende kumba kwacho ne kuti kana tikasasvik nhasi vanhu venyu vanovuraiwa '. Alice 'What is your plan Tonde ?' Tonde 'Plan yangu iri crazy '. Alie 'Taura tinzwe '. Tonde 'Tiri kuenda tiri mudumbu re hove '. Timoty ' What ?' END OF EPIDOSE