EPISODE 42 STORY BY MALVERN NDLOVU Tonde akabva abata pasi ne tsvimbo ipapo pakabva patanga kuita ma lines pasi pachitsemuka kuchienda kuna David . IpapoDavid akabva avona magumbo ake asungwanevhu . Akabva azama kuita magic dzake ipapo Tana akabva avuyane speed ndokusvika achirova David . Ipapo Amos akabva arova museve ndokusvika achirova ruvoko rwa David .David akabva aregedza zai then Tana ndokuritora ndokuenda kunana Tonde ..... Tonde ' Good job pakuda book '. James 'Manje book hamusi kuriwana '. Ipapo James ayitotaura akasimudza book achiita kunyemudzira . Mambo vakabva vasvika kumasure kwa James ndokutora book riya . ... James ' Ko uri kuitei inga uri umwe wedu ?' Mambo ' Handina kumbobvira ndaita umwe wenyu ini '. Ipapo Mambo vakabva vaburuka muchikepe ndokutanga kuenda havo kunana Tonde . James akabva abudisa pfuti yake ndokunongedza kuna Mambo . Tana akabva azvivona ndokumhanya kunobvisa Mambo kuti vasarohwa ne pfuti . Amos akabva arova James ruvoko James akabva atanga kuridza mhere achisiyapfuti pasi ....... Tonde ' Tana inda ne book kudunhu ini ndichasara ndichirwa na David uyu '. Tana akabva arova chitsoka ndibereke akanangaku dunhu . Ipapo David akanga atsamwa manje .Akabva atanga kukoka simbna rake rese kuti abvise makumbo ake muvhu . David akabva abvisa magumbo ake ndokubva atora mapanga ake 2 ndokumabata mumavoko ...... David 'Yava nguva yekufa manje '. Ipapo David akabva atanga kuenda kuna Tonde .Amos akabva akoka museve achida kurova ziso ra David asi David akabva abata museve ndokubva awutendekera kuna Amos .Ipapo museve wakabva wadzokera kuna Amos ne simba uchisvika uchimurova pa dumbu . Ipapo Amos akanga akungobuda ropa mumuromo .Tariro akabva amhanyakuna Amos ndokusvika achimubata paakanga arohwa .... Tariro ' Ndavona wararama asi handisi kuzivakuti sei mira igovona asi unopra zvako usatya'. Amos ayingokosora ropa mumuromo .Tonde akabva ada kumhanya kuna Amos ,David ndokusvika achimurova Tonde achiwira uko . David akabva atanga kurova Tonde paya .Tonde zvino akanga apera ropa rangozara muviri wese ... David 'Ndakuvudza kubva kare kuti simba rako haringapfuuri rangu . Dai wandipa zvandanga ndichina kubva kare maybe ndaizokusiya uri mupenyu manje now hapachna nguva yekutaurirana . Unofunga kuti ungaita hero mwana akaita sewe hona now wakufa usina kana kuvona nyika zvakanaka '. David akabva amukava Tonde ndokusvika achiwira mumvura tsvimbo ndokuenda pa side pake . David akabva abudisa zi baga rake ndokutanga kuenda kuna Tonde .Ipapo Tonde akavona kuti David ava kusvika akabva abata tsvimbo iya . David achisimudza banga rake kuti abaye Tonde garwe rakabvarangowuruka kubva mumhura ndokusvika richidambura ruvo rwa David .Garwe rakabva radzokera mumvura .Ipapo David akabva adzokera kumasureava kutyakutambira ku mvura . .. David akabva atanga kubuda rumwe ruvoko izvi zvakashamisa Tonde zvisingaiti ...... Tariro ' Tonde ,Tonde munhu uyu ane vanhu 5 mukati make saka zvoda kuti ukwanise kushandisa Tsvimbo kuti umuvuraye ka 1 chete ,Nekuti ungarwa ukarwa asi 5 ma demon ari paari akafa kare saka ukurwa ne vanhu vakafa kare saka havafi vanhu ava vanotoda kuti ufevo iwewe .' Tonde akabva asimuka muvhura ndokuendakuna Amos ndokusvika achimubata akabva azvomora museve ipapo ipapo Amos akabva apora . .... Panguva idzodzo vanhu vachirwa Tana akasvika ku dunhu ne zai ndokuripa Ngoni .... Ngoni ' Zai ravapo book ravapo vakuru handei tivone tikwanise kugadzisira dunhu David asati asvika pano .Tana iwe chidzokera unobetsera Tonde wacho '. Elvis akanga akagara hake achivona .Akabva asimuka ndokubudisa pfuti akananga kuna Ngoni .Ngoni akada kutaura Elvis akabva afura pfuti mudenga .... Elvis 'Any word wafa ndipe zai ne book ndiende ndisina kuvuraya munhu pano . Kana usingadi it means ukufa kuti vanhu vese ava vafe .Tana mira hako kuda kuita zvauri kuda kuita unovuraisa vanhu vako ne zvinhu zvisina basa apa .Boys dzangu budisai pfuti dzenyu tiende ku guta now zvataida tazviwana . Anyone ataura akuda kufa pano . Alice mashoko ako aya ndakamanzwa asi ka handichinji ini ndizvo zvandiri you know that asi ndachinja zvishoma handichakwanisa kuvurayamunhu asiri kuita nharo so ndotenda ipapo wakandibetsera zvisingaiti ipapo ndokutenda zvisingaiti '. Hapana akakwanisa kutaura apa sezvo Elvis ayiratidza kuda kuvuraya munhu chaiko . Elvis ne boys rake vakabva vatora zai ne book ndokumhanya ku mvura . Elvis akabva afonera vakomana kuti vavuye ne ndege sezvo mvura yaipenga kwaisafambika .... Vanhu mudunhu vakasa vakangotarisana vese hapana akakwanisa kutaura . Zvino zvanga zvaitika zvakabata Seu zvisingaiti asi hana kuda kuzvitaura hake sezvo ayishaya kuti otanga nhawu yake sei . Elvis akabva atorwa ne ndege ndokuenda Tonde hana kunge azvivona sezvo akanga ari busy kurwa na David .... Alice 'Tana mhanya kuna Tonde umuvudze zvaitika agare achiziva '. Tana ava kuda kumhanya akabva anzwa banga pa huro musoro wake uchiwira uko munhu achibva anyarara ipapo ipapo . Vanhu vakabva vasimudza musoro ndokuvona ari Seu akabata zibanga richibuda ropa .... Sue ' Musati matanga kurwa inzwai ,kufa kana kusafa zvakangofanana . Ndimwi makavuya mudunhu redu mukaba Tsvimbo yedu mukavunza dambudziko mudunhu redu . Dai makavuya mukakumbira tsvimbo pamwe taisaramba asi makavuya mukaipa kuti isu titambure .Zvino tavuya kuzotora tsvimbo yedu mava kuda kutitonga imwimwi . Kanadunhu renyu ranaka muchaita zvataitwa na Elvis .Munoziva kuti kana zuva rikavapo tinotsva ndiwo mavurairo amuri kuda kutiita iwayo . Hapana chinhu chechokwadi pano zvese zviri kuitwa kana kuvimbisa ma fake promise apa .Boys dzangu pano hapana chedu tsvimbo yedu ina Tonde ari kurwizi uko . Hnadei kunoitora wese anoda kutimisa vurayayi .' Ngoni ' Taigotaurirana sei nhayi Seu imwi muri vanhu vanodya vamwe vanhu .Hamusi vanhu vakafanana nesu isu tonzwisisa asi mwi munongofunga hondo chete hapana pamoda kutaurirana ne vamwe izvozvo Timoty akazvitaura .Dzimwe nguva zvinodakuti vanhu vataurirana chete tinzwisisane hazvibetsere kuvurayana pa last minute.Remember wakaita kuti ndivuraye vanhu vangu ndikatenda asi ndaitsvaka peace chete ndosaka ndakatenda .Asi dai ndisina kutenda dai iwe neni takarwa kare .Ndiri kureveiko ndiri kuti kutaurirana ndiko kubatana '. Sue ' Ngua yekutaurirana yakapera kare . Boys handei kunotora tsvimbo yedu tidzokere kwedu kudunhu wese anoda kutimisa vurayayi . Pane anoda here kutimisa ?' Vanhu vese vakabva varamba vakanyarara ..... Mambo ' Hongu ndini '. End of epidose