###Adventure Seu "Gara zvako ne apo tidye ". Ngoni "Chii chamuri kudya ichi ?" Seu "OH gara haudyi nyama ye vanhu .Pihwa hove dzakaomeswa udye zvako ". Vakabva vatanga kudya zvavo .Vari pakati pe kudya Seu akabva atanga kuvhunza ..... Seu "Saka ndiani akakudzidzisa kurwa?" Ngoni "Hapana ndakazvarwa ne chipo ichocho ". Seu "Ndoda kuti uyite mu chinda wangu anondipa zvese zvandinoda ". Ngoni "Sezve zvamunoda zvakaita sei ?" Seu "Ndoda munhu anondirwira munhu andondipfekedza munhu anonditerera anoita zvese zvandareva ". Ngoni "Hapana kuipa asi ndenge ndichizowanei ?" Seu "Iwewe uri kudei ?" Ngoni "Ndiri kuda kuti vanhu vangu vawane rusungunuko muvape zvavari kuda vaende havo ". Seu "Vari kudei ?" Ngoni akabva afunga kuti hafanirwi kutaura chaari kuda chaicho ". Seu "Asi hausi kuziva chavari kuda ". Ngoni "Vari kuda hupenyu hwavo bedzi ". Seu "Kana ukatenda zvese zvandinoda ndichaita sekudaro ". Vakabva vaenderera mberi havo ne kutaura dzimwe nyaya ". MAMBO "Saka Seu wacho ndiye Mambo here ?" Jinda1 "Ini handisi kutozivavo ". Sekuru Tembo "Kwete Seu hasi iye Mambo ! Mambo chaiye hakwanisi kufamba ". Mambo "Ko tsvimbo anayo here ?" Sekuru Tembo "Hongu ndiyo yakabata hupenyu hwake gore raanoiregedza anobva afa ". Jinda 1 "Saka tinoitora sei tsvimbo yacho ?" Sekuru Tembo "Panonetsa kusvika ipapo panotoda munhu arwa zvamufadza ". Jinda "Ngoni ndiye ari kugona kuvafadza manje totaura naye sei ?" Mambo "Ndichamuvona mangwana ndipo pandichataura naye ." Jinda "Saka nhoroondo yakamira sei nhayi sekuru ?" Sekuru Tembo "Nhoroondo yakaoma muzukuru ini manzwiro andakaita ne vakuru vanoti kana pasina tsvimbo zai harikwanisi kuwanikwa uye harigari .Saka zvinofanirwa kuitwa kuwana tsvimbo kutanga mowana pane book raivepo ndiro map yekune zai ". Mambo "Manje book hatisi kuziva kwariri ". Sekuru Tembo "Manje kana pasina book hakuna anoziva kune zai ". Mambo "Manje todii pane mukoto wekubuda panze here ?" Sekuru Tembo "Hongu kana nguva yakwana uye muri vapenyu ndichakuratidzai .regai ini ndizorore ". Mangwana kuseni James akamuka ndokuenda kunogeza zvake .Achibva kunogeza akabva atora phone yake ndokuwana pane message yekuti.... "Hie let's meet around 11 am pa hotel vuya ne book ". James akabva atanga kufara achitopfeka achienda kubasa .Akasvika ndokupinda mu office yake ndokutora book ndokuisa mu bag make . Ava kubuda Tonde na Timoty vakabva vasvika ..... James "Aaa varume vatosvika ". Timothy "Ehe ko uri kuenda kupi ?" James "Ndine meeting masikati so boss vangu vati ndikurumidze kuenda ". Timothy "Saka todii na Tonde cuz ndiye anofanirwa kuita zvinhu zvacho ". James "Itayi henyu mongozondivudza kana mapedza then ndokuvudzai zviri kureva book ". Timothy "OK ngatipinde mukati undipe changer ye phone yangu ". James akabva agadzika bag pasi ndokupinda hake mu office .Tonde akasara akamira hake vakomana vapinda mu office. Pasina nguva yakareba vakabva vabuda ndokupesana .James akatakura bag rake ndokuenda kwaayifanirwa kusangana ne munhu wacho ...... Timothy "Enda pamusoro pe skyline iro ipapo ndipo paunovona zvese kana warova munhu wacho ubve watiza please usavonekwa .Kana wapedza udzoke pano unondiwana ndakakumirira ". Tonde akabva abereka bag ndokukwira pamusoro pe skyline achibva atanga kuvona mota dze funeral dzichivuya .Tonde akabva abudisa museve wake ndokugara akagadzirira .Pasina chinguva Elvis akabva abuda mumota achifamba pa side pe coffin re mwana wake . Tonde sezvo akanga ari kure akabva akoka museve akananga Elvis ndokubva awuregedzera .Vanhu vakangovona Elvis ava pasi ropa razara pa gumbo murume mukuru afenda kare .Vakamutora ndokuenda naye ku hospital vanhu vakazama kuda kutarisa kwabva museve asi vakakushaya sezvo mukomana akanga ari kure . Tonde akabva aburuka ndokuenda mumota .... Timothy "I think zvako wapedza hande kunomirira James ku hotel kwedu ati ari kudzoka oti patsanurira book ". Vakabva varova mota ndokuenda ku hotel zvavo .Makuseni iwayo Baba Amos vakamuka vari muimba yakanga yakanaka apa muviri wavo wakanga wakarapiwa .Se munhu asina kunge aziva kwaari akaburukwa pa bed ne dzungu achibva awa. Mukadzi akabva abudikira .... Alice "Usavhunduka hako ndinoziva kuti wabvepi ". Baba Amos "Aaa waziva chirudzi changu sei ?" Alice "Ndakafunda zvirudzi zve nyika dzakawanda hapana chandisingazivi ". Baba Amos "Ko ndasvika sei pano ". Alice "Zuro manheru ndichibva kubasa ndakakuwana wakarara pakati pe road ndikakusenga sezvo ndakavona kuti wanga wakakuvara .Ndakakutova muviri wese sezvo ropa ranga rakambundana ". Baba Amos "Waita hako ndofanirwa kuita ndichienda dunhu rangu riri panguva yakaoma ". Alice "Chii chiri kuita ndogona kukubatsira ?" Baba Amos "The Egg of life rakabiwa ku dunhu kwedu manje kurarama kwava nzima ". Alice " Manje zai iroro rakabiwa nani ?" Baba Amos "Munhu anen ganda serenyu akavuya kudunhu redu ndokubva ariba ndokuvuya kuno kuguta ." Alice "Zita rake ayinzi ani ?" Baba Amos "Ayinzi Thomas asi akavurawa ndokutorerwa zai manje akatora wacho handisi kuziva ". Alice "Rega ndiende Kumapurisa ndinotsvaka mapepa ndogona kuwana munhu wacho .Iwe chisara muno please usazoenda ". Baba Amos "Hapana kuipa ". Alice akabva abuda ndokuenda ku police kunotsvaka ma documents e vanhu avaifungira kuti vanoita zvema adventure ..... Manager "Havasi kutaura here vanhu ava ?" Police "Havasi kutaura ava ." Ipapo Alice akabva apinda .Manager akanga achiziva Alice zvisingaiti ..... Manager "Alice waita hako wavuya taura ne vanhu ava". Alice "Harisi iro basa rangu iroro ". Manager "But pane chauri kuda muno ka ?" Alice" Ehe ndiri kuda ma documents e vanhu vanoita zve adventure ". Manager "Tanga wataura ne vanhu ava ". Alice "No ma documents first ". Manager akabva anotora ma documents ndoku printer ndokupa Alice .... Manager "Chitaura navo ". Alice akabva ayenda kwanga kune vakomana ". Alice "Makadii henyu ". Jinda 1 "Aaa waziva chirudzi chedu sei iwewe ". Alice "Ndakadzidza zvirudzi zvese ". Manager "Ndoda kuti uvavhunze zvandiri kukuvudza ". Alice "Hanzi munobvepi ?" Jinda 2 "Tobva pakati penyanza tavuya kuno kuzotsvaka book redu rakatorwa ne vamwe venyu ". Alice "Hanzi rakatorwa nani ?" Jinda 2"Hatisi kumuziva munhu wacho asi ari muno mu guta". Alice "Hanzi ko mabirei zvinhu mu shop mukatiza ?" Jinda 1"Aaaa hatina kumbopa isu tangotora chikafu isu tikabuda ". Alice "Hanzi ndiko kuba ikoko kwamaita". Majinda "Ruregerero ipapo hatina kunge taziva ". Alice "OK saka zvatichaita kana muchida kurarama tichakudzoserai kudunhu renyu ne kuti vanhu vakaziva kuti ndimwi munovurawa ". Jinda 2"Kwete tisina book kana umwe wedu watisiri kuvona ". Alice "Hanzi kwete nhasi chaiyo mofanirwa kudzokera kwamakabva kana musingadi movurawa se muvurairo wamunoita vamwe vedu kana vavuya kudunhu redu ". Jinda 1"Ok hapana kuipa toenda hedu ku dunhu kwedu asi kune nzara". Alice "Hanzi ndokupai chikafu chamuri kuda". Vakabva vapihwa chikafu ndokukwidzwa chikepe ndokuenda zvavo .Alice akabva atora ma documents ndokuenda nawo..... James "How are you sir?" Boss "Good saka wati uri kuda marii pa book ?" James "Ndikuda chero 500 Million sir ". Boss "OK boys bring the money ". James "Yooo handisati ndambovona mari yakadai ". Boss "Young man book riripi ?" James akabva avatambidza bag .Vakabva vatarisa mu bag ndokuwana mune ma books akanga asina kana basa .... Boss "Ko ndochii icbi manje ?" James "Ndaisa book umu sir ". Boss "Ukuita zvekutamba iwe !Boys torai munhu tiende naye kunomugadzirisa ". James "Wait I know munhu aritora ". Boss "Enda ne boys rangu muvuye ne book iroro .Wese anenge achida kukumisai kuti musatora book vurayayi ". Vakomana vakabva vapinda mu mota vakananga ku hotel kwaigara Timoty .... Timoty "Ko waritorerei ?" Tonde "Pama pinda mu office ndasara ndikabatanidza chuma changu then chandivudza kuti nditore book sezvo shamwari yako yanga Ishida kuritengesa ". Timoty "Nhema James hangadaro uri kumunyepera ". Tonde "Mira ugovona ka ". Sezvo vakanga vaenda pa hotel riri pa next vaivona zvese zvaiitika ku hotel kwavo . Vakabva vaona mota 2 dzasvika muchibva maburuka vakomana vakabata pfuti .James akabva ateveravo kumasure .Timoty akabva atora phone ndokufona achida kunyatso ona kuti ndiye here.... James "Hello ". Timoty "Uri kuvuya nguvai ne book mukomana akamirira ". James "Book rarasika ". Timothy "ooo sorry manje anozvinzwisisa here ". James "Pakaipa wangu izvezvi ndakatovata ne strees .Iwewe uri kupi ". Timoty "Ndiri pa hotel rangu ". James "Olk". James akabva akata phone ndokupinda mu hotel ne vakomana vake .Vakawana mu room musina munhu James akabva afonera Timoty .... James "Sorry foni yangokata .Ko wadii kusvika naye mukomana ". Timoty"Ok vuya tisangane ku ground ". James "Ok ndikuvuya izvezvi ". James akabva abuda nevakomana vakananga ku ground ". Timoty " I can't believe kuti James angadaro shuwa mari so ". Tonde "Saka tomuwana kupi umwe munhu ?" Timoty "Pane umwe munhu wandoziva asi last time hatina kumubhadhara manje ". Tonde "Hande tinotaura naye ". Vakabva vaenda kunokwira mota ndokuenda zvavo . Ipapo zuva rakanga rati kwirei kwava kupisa asi mu dunhu yakanga iri mhindo yega yega ...Amanda akabva asimuka achienda kwakanga kwakagara Tsitsi.... Tsitsi "Uri kudei pano nhayi sahwira ?" Amanda "Asikana asi hamuchadi kutaura nesu here?" Tsitis "Asi imwi hamuchadi kuvhunzwa Herr?" Amanda "Inga kwangova kukandirana nyoka mhenyu ". Tsitsi "Kwete uri kudei ?" Amanda "Ndanga ndichida kungonzwa kuti uri sei hako ". Tsitsi "Zvauri kuvona izvezvi ndizvo zvandiri ". Amanda "Ruregerero pane zvakaitika zuva riya kwaive kutsamwa sahwira ". Tsitsi "Iwewe wakatanga rinhi kukumbira ruregerero .Hoo ne kuti baba vako vari kudzoka vachibva pachigaro wava kudaro". Amanda "Kwete sahwira munhu anochinja ndiregerere kani ". Tsitsi "Tanga wadzosa Tonde apa kuti ndikuregerere". Amanda "Asi waimuda here ?" Tsitsi "Iwe wakanga usingazvivoni waimubata ne seri kweruvoko izvezvi hapana anoziva kwaari kuti mupenyu kana kuti akafa hapana anoziva ". Amanda "Sorry hako handina kuziva kuti waimuda ini ". Tsitsi "Sorry yako haikwani muhombodo yangu iyi vuya na Tonde apa ndinokuregerera saka chibva pano ". Amanda akabva asimuka achienda hake kuna amai vake... Kubva makuseni kusvika zuva rava kurova nhongonya Mambo ne vamwe vakanga vasina kumbobuda mubako ravakanga vakaiswa .Pakabva pasvika vanhu vatatu ndokubudisa vana Mambo ne vamwe vake ndokuenda ku ring...... Seu " Welcome brothers pano unotorwa kana uchida kurarama asi kana uchida hako kufa unotofa .Saka nhasi nhawu yakamira seizvi ini ndini ndanga ndichifanirwa kurwa asi pane ati kwete ndokurwira .Saka imwi sarudza munhu umwe chete wamuri kuda kuti arwe nhasi ". Mambo "Vakomana regai ndiende kunorwa ini kana pane zvaitika tsvakai tsvimbo muende nayo kudunhu handiti ?" Jinda 2 "Kwete Mambo wangu regai ini ndirwe uku ndiko kubasa kwangu". Mambo "Kwete tese tiri vanhu saka imwi mukada kundikoshesa mese munofa pano ndozodii tine mhuri rangarirai ". Jinda 2 "Kwete Mambo kana muchindirova rovai henyu asi ini ndiri kuenda kunorwa ". Jinda rakabva ramhanya ku ring vanhu ndokutanga kufara .Mambo havana kufara nazvo ..... Seu " Nhasi mutambo wakasiyana umu muri kubuda munhu umwe chete bedzi asi tiri kuita zvema rounds munorwa 5 minutes mozorora nekuti pachanetsa kurwiwa plus ndedzemudanga .Ndisingapedzi nguva welcome Ngoni ". Mambo "Aaa ndochii manje ichi ". Mambo ne vamwe vavo vakashamisika kuti nei vachirwisanisa vanhu vamwe chete .Mambo vakabva vamhanya kuna Ngoni mamwe machinda akabva abata asi Mambo vakanga vane nharo vaitova bedo na Ngoni ..... Mambo "Ukangomuvuraya chete ndiri kukubvisa musoro rudzi rwako rwese ndiri kuriparadza ...... End of episode