Writer Malvern Ndlovu #Adventure :Please follow us on Facebook @Godfather Home Of Stories . Mambo "Kwete handisi kurwara ne vanhu 5 risiri banga rangu". Seu "Kana usingadi zvoreva kuti unongorohwa kusvika pakufa kana ukasadzosera ". Mambo vakabva varova Seu chibhakera vachiwira kunze kwe ring .Vamwe vacho vakabva vatsamwa kuti nei warova mukuru wavo .Zvino ring rakanga rakombewa .Seu akanga okonewa kutaura ne kukosoro apa ropa richibuda mumuromo ne mumuromo .Akangokwanisa kuti ..... Seu "Muvurayeyi ". Mambo vakabva vamira pakati pe ring ndokutanga kurwa ne munhu wese akanga achida kurwa naye .Pakarohwa munhu 2 hours dsese vanhu vakanga varara pasi Mambo akangomira vazara ropa muviri wese ..... Vanhu vakabva varega kuda kurova Mambo ndokubva vatotora zvavo nyama yakanga yazara ndokutobva .Mambo vakabva vasengwa ne vamwe vavo ndokuenda mubako ...... Mambo "Ndava kunzwa nzara kubva pandakapinda muno handina kudya ". Jinda "Handitorina kana zano mambo vangu regai ndikupukutei ndofunga kuti tichawana chekudya ". Sekuru Tembo "Ndine Hove asi hadzina kubikwa handizivi kuti munokwanisa kudzidya here ?" Mambo "Kana isiri nyama chete ndodya .Muno hamusi me kudya nyama chete ". Sekuru Tembo vakabva vadzika pasi pe bake ndokutora hove dziya ndokupa Mambo ne vamwe vavo .Mambo vakabva vadya ndokumbozorora sezvo vakanga vashanda zvisingaiti...... Zuva rakanga rakanga rakwira ipapo Tonde ne vamwe vake vakasvika ku dunhu ndokubva vaburutsa zvinhu zvavo ...... Tonde "Manje zvinhu izvi hamungazvisengi muri vaviri dai maridza Hwamanda kuti mamwe machinda avuye ". Alice "Saka iwewe watoshinga kuenda wega here ?" Tonde "Hongu imwi endai kunodzidzisa vanhu kubata zvombo muvape chekudya .Kana James ava kuvuya awane mavakugoma kurwa ". Baba Amos "Wofamba zvakanaka ndichakumhorosera vamwe". Timoty "Waita hako nekundibetsera kubva zuva rekutanga ndovimba kuti tichasanagana zvekare .Chikepe chenyu dai machihwandisa kuti vasaziva kuti takawanda kuno ". Tonde akabva amhanya ndokutoenda musango .Baba Amos vakasara ndokuridza hwamanda ... Amos "Mirai kutaura muri kunzwa zvandiri kunzwa here ?" Sekuru Amos " Majinda teverai kune hwamanda iyo vamwe venyu ". Machinda akabva amhanya kwakanaga kune hwamanda ..... Amanda "Asi baba vadzoka here ?" Mambokadzi "Handisi kuziva ini asi zviri kureva kuti pane vanhu vadzoka kubva kure ". Amanda "Vanogona vari ivo chete ". Machinda akasvika ndokuwana Baba Amos vakatomira vachiridza hwamanda .... Jinda "Aaaa muri vapenyu ?" Baba Amos "Hongu handina nguva ". Baba Amos vari pakati pekutaura Alice akabva abuda muchikepe .Majinda akabva akoka museve achida kutofura ..... Baba Amos "Kwete ari pakubetsera uyu ". Machinda akabva adzosera museve wavo ndokubva vasiya vaviga chikepe ndokusenga zvimbo ne chikafu chavanga vavuya nacho ndokuenda kune vamwe ........ Kudunhu vanhu vakanga vakatomirira kugamuchira hama dzavo asi vakashamisika vachingovona Baba Amos ne varungu vaviri .Mamwe machinda akabva atora mapfumo ..... Jinda "Ndivo vanhu vakakonzeresa kuti zvidai ava anofanirwa kufa ". Baba Amos "Ndivozve vanhu vaita kuti ndirareme ivava ". Mambokadzi "Kwete Baba Amos dzokerai henyu ne vanhu venyu ndivo vakaondonga dunhu redu ". Baba Amos "Nerubatsiro rwavo ndosaka ndiri pano inini ". Jinda 1"Musikana uyo ndakamuvona ku guitar ndiye akaita kuti tipihwe chikafu ". Alice "Ruregerero pane zvakaitika asi ndiri pano kuzobetsera .Ndini ndega ndokwanisa kupatsanura book iri ndosaka ndiri pano .Kana tikasabatsirana pano munhu ari kuvuya ari kuzoparadza dunhu rese kusvika awana chaari kuda ". Mambokadzi "Tinokuvimba sei umwe wako akasiya aba dunhu redu ". Alice "Musandivimba hangu asi ndipei mukana chete ". Baba Amos "Ndanga ndafa munhu uyu akandirapa saka munoreva kuti achazopanduka here ?" Mambokadzi "Kwete ini handisi kuda kuti zvakaitika zviitike futi ". Alice "OK then chisarai asi muchazonditsvaka chete mese imwi munofa kana munhu ari kuvuya akasvika pano ". Sekuru Amos "Mira uri kureva kuti chii ?" Alice "Hapana chamunoda kuziva handi munofunga kuti vanhu takafanana here ". Jinda 3 'Regai ndichimuvuraya manje ari kuchema nhema uyu". Sekuru Amos "Muzukuru ukaenda usina kugadzirisa paunogona unotora nhaka pa vanhu vese vanofa .Saka iwewe ndiwe ukuziva tivudzei ". Alice "Nhawu yakamira yakadai vanhu takasiyana ini handina pfungwa dzekuputsa asi ndine pfungwa dzekuvaka .Handina hangu pfungwa asi ndine moyo ndinonzwira tsitsi .Munhu ari kuvuya anonzi Elvis arikuda book iri ne tsvimbo ne zai saka kana akavuya anoita zvese kuti zai ariwane .Mese munopera kufa kana asina kuwana zvese zvaanoda .Plus makavuraya mwana wake it means akutovuya ku revenge ." Sekuru Amos "Saka nei iwe uri pano ?" Alice "Ndiri pano kubatsira kuti kana hondo yavuya aware takagadzirira .Zvombo zviripo apo chikafu chiripo zvekare ." Baba Amos "Mambokadzi tarisai hatichisina vanhu vakawanda machinda ese akaenda kunotevaka zai manje zvozoita here kuti awane takafa ". Mambokadzi "Kusvika rinhi takamirira zai racho ". Baba Amos "Tonde ndiye ayenda pasi pe mvura kuti avone kuti chii chiri kuitika ". Mai Tonde "Tonde mwanangu mupenyu ?" Baba Amos "Hongu ndamuwana kuguta ana Timoty vachitsvaka munhu anopatsanura book.Ndipo paandiwana ndine musikana uyu anonzi Alice .Tonde ati ndikumhoresei imwi na Amos ". Mambokadzi "Saka todii manje ?" Baba Amos "Todzidziswa kushandisa zvombo toronga mazano ekuti tikunde hondo iyi ". Mambokadzi "Tingadii hedu tongoenda zvese ". Sekuru Amos "Ndinozviziva kuti zvakaoma kungovimba munhu akakutadzira asi zveshuwa vanhu havafanani .Rega timbozama ava ndovimba kuti zvoshanda .Ini ndoda kuzororora kana dunhu rino ranaka ". Alice "Vanhu ava vanosvika kuno kuswera kwa Mangwana saka nhasi dai tatochera mvura tabika .Mangwana kuseni totanga hedu kuteya musungo yedu tichirodza mazano ". Mambokadzi "Zano rakanaka chairo .Majinda endai kunochera mvura .Vasikana endai kunotsvaka twusoso .Vamwe vuyayi tibike pano ". Amanda "Ini hangu ndoda kusara ndichibika ". Amos ne vamwe vakomana vakabva vabuda ndokuenda kunochera mvura sezvo yakanga iri kure .Tsitsi ne vamwe vakabva vaenda kunotsvaka twutsotso .Amanda akabva asara hake achiita zvimwe zviri nyore zvake .Alice akabva atanga kuvadzidzisa kuti rice rinobikwa sei sezvo vakanga vasingazivi ..... Vakomana vakavuya ne mvura vanhu ndokutanga havo kubika vamwe vachitotamba pada zvavo .Moyo wamai Tonde wakamboti sungunukei vachinzwa kuti mwana wavo mupenyu ..... Zuva rakanga rorereka James akanga akatomirira Elvis kuti avuye .Zveshuwa Elvis akavuya ne vamwe vakomana vakabereka ma bag ..... James "Ko ma bag ese aya ane chii ?" Elvis 'Ane ma drones ne futi saka hatisi kungosvika tichiwira mudunhu totanga tatuma izvi ....... End of episode